Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nyanzvi dzeZvehupfumi Dzoyambira Kuti Zvakaturwa naVaMnangagwa Zvekuyedza Kugadzirisa Hupfumi Zvichatohukanganisa Zvakanyanya


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa negurukota rezvekutengeserana Amai Sekai Nzenza.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa negurukota rezvekutengeserana Amai Sekai Nzenza.

Nyanzvi mune zvehupfumi pamwe nevashandi vari kupa maonero akasiyanasiyana pamusoro pedanho rakaziviswa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa mukupera kwesvondo, rekuti vezvitoro pamwe nevemahorosero vatare mitengo yavo vachishandisa mutengo wedhora rekuAmerica uri kushandiswa kumabhanga.

Iri rimwe rematanho ane chitsama akaziviswa nemutungamiri wenyika akanangana nekugadzirisa hupfumi hwenyika.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Develpoment Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti vanoona danho iri rakanaka sezvo panga pasina kuenzana kwemitengo yanga ichitarwa nevezvitoro.

Munyori mukuru wesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo vanotiwo vanotambira danho rakanangana nekudzikamisa mitengo yezvinhu iri vachiti rinoratidza kuti mutungamiri wenyika vari kushushikana nematambudziko ari kusangana nevatengi.

Asi VaMoyo vanoti semaziviro avo, musika hautenderani nezviri kutaurwa nemutungamiri wenyika, vachiti zviri kuonekwa muzvitoro zvinoratidza kuti mashoko aVaMnangagwa aya haasi kuteererwa.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumu vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vane maonero akasiyana naVaChitambara, sezvo ivo vari kuti havaoni riine zvikuru zvarinoshandura nekuti vezvitoro vanga vagara vachitara mitengo yavo vachishandisa musika mutema.

Asi hurumende haizoonekwi here seiri kupindira mukutarwa kwemitengo yezvinhu nevezvitoro? VaKuchera vanoti hazvisi zvinhu zvinoshamisa kana kuti kekutanga kuti hurumende inonzi yapindira mukutarwa kwemitengo.

Vaimbove mutungamiri wemubatanidzwa wemakambani emunyika, weConfederation of Zimbabwe Industries, VaCalisto Jokonya, vanoti kunyange hazvo VaMnangagwa vakatora matanho aya, havaoni paine chikuru chinoshanguka.

VaMnangagwa vakazivisawo mamwe matanho ekudzikamisa hupfumi hwenyika anosanganisira ekurambidza vemabhanga kukweretesa mari kunevemabhizimusi, kumapazi ehurumende kana kuvanhuwo zvavo.

Danho iri riri kushoropodzwa zvakanyanya nevakawanda, sangano re Zimbabwe National Chamber of Commerce richiti kurambidza mabhanga kukweretesa mari kuchatowedzera kukanganisa mamiriro ehupfumi hwenyika.

Sangano rinomirira vashandi vemumabhanga reZimbabwe Banks and Allied Workers’ Union rinotiwo danho rekurambidza kukweretesa mari richakanganisa zvakawanda zvinosanganisira kurasikirwa kwevashandi nemabasa.

Rimwe gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaObey Shava, vanotiwo hakuna mutemo unosungira vemabhanga kutevera mashoko aya, ayo akazosvitswa kune vemabhanga neRBZ.

Chasara kuona kuti matanho aya ari kurapa musoro here kana kuti ari kugadzirisa chaita kuti musoro uteme?

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG