Accessibility links

Breaking News

Masangano Akazvimirira Ogunun'una neMitero Yobhadhariswa Mumamwe Matunhu


Mamwe masangano anoshanda akazvimiriri kana kuti maNGO’s anoti haasi kufara nemari yavari kubhadhariswa nemakanzuru kuti vashande munzvimbo dziri pasi pemakanzuru.

Imwe yemakanzuru mudunhu reMashonaland West, yeMakonde yakazivisa nezuro kuti masangano ose anoda kushanda munzvimbo mavo vanofanirwa kubhadhara madhora zana ekuAmerica uye vagara vachishanda vanofanirwa kubhadhara madhora makumi mashanu pamusoro pekuwana gwaro rinovabvumira kushanda kana kuti Memorandum Of Understanding-MOU.

Vanoshanda mukanzuru yeMakonde mubazi rinodyidzana nemasangano akazvimirira Amai Geytta Moyo vanobvuma kuti vose vanoda kushandira munzvimbo iri pasi pekanzuru yavo inosanganisa Chinhoyi, Mhangura neMakonde vanofanirwa kubhadhara mari iyi vasati vatanga kuita mabasa avanenge vakabvumirana navo.

Sachigaro weZimRights mudunhu reMashonaland West VaAdrian Zarimba vanoti havasi kufara nedanho ratorwa nekanzuru yeMakonde vachiti hazvisi pamutemo.

Makanzuru ekunemamwe mutunhu makuru akaita seMidlands anonzi ari kubhadharisawo mari dzekushanda munzvimbo asi dzinenge dzichingodaidzwa nemazita akasiyana.

Nhengo yerimwe sangano rinoona nezvekuchengetedzwa kwezviwanikwa zvemunzvimbo asina kuda kuzivikanwa nezita anoti zviri kuita makanzuru hazvisi pamutemo.

Izvi zvinotsigirwa nemukuru weZimbabwe Human Rights NGO Forum, VaMusa Kika avo vanoti chekutanga ndechekuti kunyange maMOU ari kudiwa nemakanzuru haasi pamutemo uye mari dziri kutaurwa hazvisi pamutemo zvakare.

VaKika vanoti mari dziri kudiwa nemakanzuru inzira yekutsvaka mari zvisiri pamutemo.

Izvi zvatsinhirwa nemukuru weCentre for Natural Resource Governance VaFarai Maguwu vanoti mamwe makanzuru ari kubhadharisa masangano akazvimirira nechinangwa chekuda kuti varegere kushanda.

Asi mamwe makanzuru akaita seBindura anoti vanongoda wirirano yeMOU chete kuti sangano rishande munzvimbo yavo.

Gurukota redunhu reMidlands VaLarry Mavima vakamboudza Studio 7 kuti munyika mune masangano akazvimirira oga akawandisa vachiti ngavaende kuUkraine kune vanhu vanoda ruyamure sezvo kuine hondo.

Kunyange mubatanidzwa wemasangano anoshanda akazvimiririra weNational Association of Non Governmental Organisation-NANGO- richiti pane masangano anosvika chiuru chimwechete akanyoresa nesangano ravo, VaMavhima vakati masangano akazvimiririra ega zviuru makumi matatu nezvitanhatu kana kuti 36 000 arikushanda munyika yose.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG