Accessibility links

Breaking News

"Nyika Inovakwa neVene Vayo" Inonzi Yopa Kuti Inflation Iite Chamurambamhuru


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangangwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangangwa

Mutengo wekukwira kwezvinhu kana kuti inflation yakakwira muna Kubvumbi kusvika pazvikamu zvinodarika makumi mapfumbamwe nematanhatu kubva muzana kana kuti 96, 4% apo mitengo yezvinhu yoramba ichiita chamurambamhuru.

Muna Kurume inflation yaidarika zvikamu makumi manomwe nemaviri kubva muzana kana kuti 72, 7%.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Gift Mugano vaudza Studio 7 kuti mitemo yehurumende yekudhinda mari ndiyo yave kupa kuti dhora remunyika rishaye simba mitengo yezvinhu idhure zvakanyanya.

Vati zvirongwa zviri kunzi nyika inovakwa nevana vayo pachigadzirwa migwagwa nekubatsira varimi yave kupa kuti mari yakawanda idhindwe nehurumende yozogumisira yaenda kumusika mutema ichipa kuti dhora remunyika rishaye simba.

Asi mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoti zviri kukonzerwa nevamwe vemabhizimisi vari kuita zvehundyire.

Gavhuna weRBZ Doctor John Mangudya vakatiwo zviri kukonzerwawo nehondo pakati peRussia neUkraine sezvo Zimbabwe ichitenga zvimwe zvinhu kubva kunyika iyi.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvekukwira kwemitengo yezvinhu pasi rose Muzvinafundo Steve Hanke vakati Zimbabwe yadarika Venezuela kuva nyika ine inflation yakurisa.

Hurukuro naMuzvinafundo Gift Mugano
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG