Accessibility links

Breaking News

ZINASU Inoti Kuratidzira  Nyika Yose Kuri Kuenderera Mberi neMuvhuro


Zinasu
Zinasu

Sangano revadzidzi reZimbabwe National Students Union kana kutii Zinasu rinoti hapana kududza pakuratidzira mangwana richinyunyuta nemamiro akaita zvinhu munyika.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemusi weMugovera vakavimbisa kugadzirisa zvinwe zviri kunetsa munyika zvakaita sekudzikamisa hupfumi uye kuti kambani yeZUPCO isave iyo chete inotakura vanhu.

Asi munyori anoona nezvemutemo muZinasu VaBoris Muguti vanoti hapana kudududza panyaya yekuratidzira neMuvhuro vachiti mari yechikoro haina kudzikiswa uye vabereki vavo havana kuwedzerwa mari.

Mutungamiri werimwe sangano rinomiririra varairidzi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe kana kuti Artuz VaObert Masaraure vati vari kutsigira hurongwa hweZinasu vachiti nyika yagwadama naivo vari kutambura.

Asi vamwe vanoshanda mumapazi ezvekudzivirirwa kwenyika vaudza Studio 7 kuti mapurisa, mauto nevasori vanzi vagare vakagadzirira sezvo hurumende iri kutyira mhirizhonga.

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vati havasati vapirwa nezvenyaya yekuratidzira iyi vachiti vanoda kuratidzira vanoenda kumahofisi ematunhu avari.

Ko izvo zviri kuda kuitwa naVaMnangagwa zvingagadzirise here nyaya dzezvehupfumi. Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi VaVictor Bhoroma vaudza Studio 7 kuti kugadzirisa nyaya yedhora remunyika kunonetsa sezvo vanhu vasina chivimbo naro.

Vaimbova mutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Industries vanoti kana hurumende inofanira kuomesera vose vanokanganisa hupfumi hwenyika nehundyire muhurumende nemumakambani.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG