Mutungamiri webato reCitizens’ Coalition for Change, VaNelson Chamisa, vanoti kukunda kwakaita bato ravo musarudzo dzichangobva kuitwa dzema by-election mucherechedzo wekuti vanhu vaneta nekukundikana kwehurumende yeZanu PF, vachiti izvi zvicharatidzwa musarudzo dziri kuuya gore rinouya.
VaChamisa vataura mashoko aya kuvatsigiri vebato ravo munhandare yePhelandaba kuGwanda pamusangano wekupemberera kukunda kwaVaJastone Mazhale vebato ravo musarudzo dzakaitwa musi wa 26 Kurume.
VaChamisa vakurudzira kuparadzirwa kwakaenzana kwehupfumi hwenyika, izvo vati zvinozoita kuti vagari vemunzvimbo dzakaita seGwanda, uko vati kune zvicherwa zvakaita segoridhe, vawane mabasa kwete kuramba vachienda kuSouth Africa kwavari kurwiswa nekupondwa.
VaChamisa vari kutenderera nenyika yose vachiita misangano yekutenda nekupemberera kukunda kwebato ravo musarudzo dzichangobva kuitwa idzi, uye kukurudzira veruzhinji kuti vanyorese kuvhota musarudzo dza 2023.
Mutevedzeri wemutauriri webato reCitizens’ Coalition for Change, VaGift Ostalos Siziba, avo vanga vari kuGwanda, vanoti VaChamisa vavimbisa vagari vemuGwanda kuti kana bato ravo rakapinda muhurumende richagadzirisa matambudziko ose ari kusanganikwa nawo nevanhu.
Facebook Forum