Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi yezveHutano, VaItai Rusike, Vokurudzira Kuti Vanhu Vatevedzere Mitemo yeWHO yekuDzivirira Kupararira kweCovid-19 Zvakare


VaItai Rusike, mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health. (Columbus Mavhunga/VOA)
VaItai Rusike, mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health. (Columbus Mavhunga/VOA)

Imwe nyanzvi mune zvehutano vachitungamira sangano re Community Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti vanowirirana nedanho rakaziviswa nedare remakurukota rekuti panofanirwa kusimbiswa hurongwa hwekudzivirira kupararira kweCovid-19 zvichitevera kukwirwa kwehuwandu hwevanhu vakabatwa nedenda iri musvondo rino chete.

VaRusike vanotiwo nekuda kwekuuya kwechando pamwe nekunetsa kuri kuita zvekufambisa mumaguta nemadhorobha mazzhinji emunyika, hazvishamise kuti huwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 huchatowedzera kukwira.

Nemusi weChitatu dare remakurukota rakazivisa kuti nekuda kwekukwira kwehuwandu hwevanhu vakabatwa neCovid-19 musvondo rino chete, uhwo hwakasvika pazvikamu makumi mashanu nezvisere kubva muzana, kana kuti 58 percent, pamwe nekukwirawo kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa nedenda iri muSouth Africa, hurumende yakanga yave kutora matanho ekudzivirira nyika kubva mukukwira zvakare kwedenda iri.

Svondo rino chete kubva musi weSvondo kusvika musi weChishanu vanhu mazana matatu nemakumi matatu nevapfumbabwe, 339, vakawanikwa vaine Covid-19, vamwe vanhu vana, 4, vachifa nedendairi.

Nemusi weSvondo bazi rezvehutano rakazivisa kuti munhu mumwechete akafa neCovid -19 kuBulawayo uye vamwe vanhu makumi matanhatu nevana, 64,vakawanikwa vaine denda iri.

Hurukuro naVaItai Rusike
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG