Accessibility links

Breaking News

Musangano weVechidiki veZanu PF Unopetwa Uchisunga Kuti Mutungamiri weBato, VaMnangagwa, vave Ivo vachamirira Bato muSarudzo dza2023


Vechidiki veZanu PF vapeta musangano wavo mukuru vachisunga kuti bato ravo rimirirwe naVaMnangagwa musarudzo dzegore rinouya.
Vechidiki veZanu PF vapeta musangano wavo mukuru vachisunga kuti bato ravo rimirirwe naVaMnangagwa musarudzo dzegore rinouya.

Mutungamiriri webato reZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, vari kufara zvikuru nezvisungo zvaitwa neboka revechidiki vebato ravo, reYouth League, zvinosanganisira chekuti ndivo vachamirira bato iri musarudzo dzemutungamiriri wenyika gore rinouya pamwe nekuti hurumende inofanira kudzika mutemo wePatriotic Act uyo unonzi uchashandiswa kuranga vanotengesa, kushoropodza kana kukurudzira kuti nyika itemerwe zvirango zvehupfumi.

Zvimwe zvisungo zvabuda pamusangano weboka revechidiki weYouth League wechinomwe wapetwa muHarare nhasi ndezvekuti hurumende imutsiridze chirongwa cheNational Youth Service Training pamwe nekuti mayunivhesiti nemakoregi munyika asungirwe kuti wese anoda kudzidza muzvikoro izvi atange aita zvidzidzo zve National Youth Service.

Chimwe chisungo ndechekutiwo vese vanopinzwa basa muhurumende kana makambani ayo vanofanira kunge vaitawo zvidzidzo izvi.

VaMnangagwa vati vafara zvikuru nezvisungo izvi uye vati vanozvitsigira.

Vakurudzira vechidiki kuti vavatsvagire rutsigiro nebato pamwe nekuona kuti vanhu vanyoresa kuvhota kuti ivo neZanu PF vakunde zvine mutsindo musarudzo dzegore rinouya.

Vakorokotedza vechidiki vakakunda musarudzo dzakaitwa nezuro vachiti vanofanira kushandira musangano.

VaMnangagwa vati vechidiki ava ndivo maziso nenzeve dzemusangano uyewo vanofanira kubatsira musangano muzvirongwa zvawo zvese.

Vatiwo zvirango zvehupfumi zvakatemerwa nyika mushure mekunge zvakumbirwa nevemapato anopikisa avasina kudomwa zvinofanira kubviswa sezvo zviri kukanganisa hupfumi wenyika.

Vatiwo bato ravo rinovimba nekukoshesa vechidiki ndosanga riri kuvapa zvigaro mudare remakurukota, paramende pamwe nemakambani ehurumende.

Musangano uyu wemazuva maviri wapera nhasi mumiriri weGutu West mudare reNational Assembly, VaJohn Paradza, vachisarudzwa vakasarudzwa kuve mutevedzeri wemunyori muchikamu chevechiki mubato iri.

VaMmangagwa pachavo ndivo vachadoma munyori wechidiki anenge achivamirira muPolitiburo.

Vakafanobata chinzvimbo chemutauriri muchikamu chevechidiki mubato reCitizens’ Coalition for Change, VaStephen Sarkozy Chuma, vaudza Studio 7 kuti hapana chakashata kuti vechidiki vaite zvidzidzo zveNational Youth Service Training vachiti izvi zvingava zvinhu zvakanaka dai chirongwa ichi chaiitwa pasina zvematongerwo enyika.

Vatiwo pane zvakashata zvakawanda zvaiitika apo chirongwa ichi chakazomiswa uye ndosaka vasingatsigire chisungo chaitwa pamusangano wevechidiki veZanu PF chekuti chirongwa ichi chimutsiridzwe.

Vaimbove munyori musangano revadzidzi vemuzvikoro zvepamusorosoro reZimbabwe National Students Union, VaMakomborero Haruzivishe, vanoti havabvumirane nenyaya yekumanikidzira vechidiki vese kuti vaende kuNational Youth Service.

Kunyange hazvo vechidiki vabuda nechisungo cheNational Youth Service ichi, dare remakurukota rakatoitawo chisungo chekudzora chirongwa ichi uye pave kutogadzirwa mutemo wekutangisa chirongwa ichi weNational Youth Service Act.

Chirongwa cheNational Youth Service, icho chaizivikanwa sekuti Border Gezi, chakatangwa muna 2000 namushakabvu VaBorder Gezi, avo vaiva gurukota revechidiki uye vechidki vakapinda muchirongwa ichi vadzidzisirwa kuMt Darwin.

Chirongwa ichi chakamiswa mushure mekushorwa sezvo vechidiki vainge vapinda muchirongwa ichi vainge vave kushandiswa neZanu PF vachipomerwa mhosva dzekuponda vanhu nekutyora dzimwe kodzero dzevanhu.

Vechiki ava, avo vainziwo maGreen Bomber nekuda kweruvara rwembatya dzavaipfeka, vaitambiriswa mari nehurumende pasina basa ravaiita muhurumende uye vazhinji vavo vakazodzingwa panguva yehurumende yemubatanidzwa iyo yaisanganisira Zanu PF nezvikwata zviviri zveMDC.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

​
XS
SM
MD
LG