Accessibility links

Breaking News

Bhanga reNedbank Ropa Dzidziso Pamusoro pezveMabhizimusi neKushandisa Mari kuMadzimai emuNyika


Madzimai ari kupinda musangano weNedbank ari kudzidziswa zvakawanda zvinosanganisira mabatirwo edzimari nekuzviriritira.

Bhanga reNedbank remuZimbabwe riri kuita musangano wemadzimai ari mune zvemabhizimisi kwemazuva maviri muHarare watanga neChishanu une chinangwa chekusimudzira madzimai, kuvadzidzisa nezvekukwereta mari dzemabhizimisi uye kutsvaga misika yekutengesera.

Vamwe vatauri pamusangano uyu ndiAmai Nyaradzo Moyo, vanove mukuru weTanaya, Amai Tanya Masiiwa, vanova nhengo yebhodhi reEconet, uye Connie Ferguson, muzvinabhisimisi uye ari mutambi wemitambo yemafirimu ane mukurumbira kuSouth Africa.

Mutauriri wekambani inoshanda neNedbank muzvirongwa izvi, yeWomen Excel, Muzvare Ireen Tanyanyiwa, avo vanga varikowo kumusangano uyu, vanoti vanoshanda nemadzimai nechinangwa chekuti vakwanisekuzviriritira uye kuriritira mhuri dzavo.

Muzvare Tanyanyiwa vanoti vanodzidzisawo madzimai aya kushanda nemari.

Hurukuro naMuzvare Ireen Tanyanyiwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG