Accessibility links

Breaking News

Ideas Party Yokurudzira Hurumende yeMubatanidzwa 


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa 
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa 

Mutungamiri webato rinopikisa reIdeas Party for Democracy, VaHebert Chamuka vanoti sarudzo dza2023 dzinofanira kumbomiswa poumbwa hurumende ine mapato ese munyika inogadzirisa nhaya dzehupfume kwemakore matatu sarudzo dzozoitwa.

Vachitaura nevatori venhau muHarare, VaChamuka vati mapato ese anopikisa munyika anofanira kugara pasi naVaMnangagwa kuti vagadzirise nyaya iyi.

Vatiwo hazvibatsiri kuenderera mberi nesarudzo dza2023 pasati pagadzirwa hwaro hwekuti zvinenge zvabuda musarudzo idzi zvinotambirwa nemunhu wese uyewo kuti mauto haapindire musarudzo idzi.

Mutungamiriri weCitizens Coalition for Change, VaNelson Chamisa, vanoti nhaurirano dzinofanira kuitwa munyika pari zvino inhaurirano dzesarudzo chete kwete zvimwe zvese izvi.

VaChamisa vanoti havana wavarikura naye pazvino vachiti vakatombokonana nevemachechi apo vakati nyika inofanira kuombomira kuita sarudzo kwemakore manomwe.

Pari zvino pane nhaurirano dziri kuitwa neZanu PF nemamwe mapato pasi pehwaro hwakaumbwa naVaMnangagwa hwePolitical Actors Dialogue.

Asi VaChamuka vati nhaurirano idzi hadzina zvadzinobatsira sezvo dzine mapato mashomanana.

Citizens Coalition for Change haina kupinda munhaurirano idzi sezvo ichida kupinda munhaurirano dzinotungamirwa namutongi gava asina divi raakarerekera.

Ongororo ichangobva mukuitwa nanachipanganomazano vesangano reZimbabwe Democracy Institute inoratidza kuti bato reZanu PF rinogona kukunda musarudzo dza2023 kana mutemo wesarudzo ukasasandurwa uye mauto akaramba acchipindira munyaya dzemafambisirwe esarudzo munyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG