Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vokuridzira “Youth League” Kuti Ivabatsira Kutsvaga Vari Kutengesa Mari Pamukoto.


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa 

Mutungamiriri wenyika vari mutungamiri webato reZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa,
vavhura musangano wevechidiki webato ravo, vachivakurudzira kuti vabatsire hurumende kutsvaga nhunzvatunzwa idzo vati dziri kuvhiringa hupfumi hwenyika nekuchinja mari yekunze pamusika mutema.

VaMnangagwa ndivo vange vari munyarikani pamusangano wevechidiki webato ravo uyo uchasarudza vatungamiriri weYouth League watanga muHarare nhasi.

VaMnangagwa nemakurukota avo vagara vachiti matambudziko atarisana nehupfumi akaita sekukwira zvakanyanya kwemitengo yezvinhu uye kushaya simba kwedhora ari kukonzerwa nevemabhizimisi vari kuda kukonzera kusagadzikana munyika. VaMnangagwa vati.

Asi vakafanobata chigaro chemumwe mutevedzeri wemutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaTendai Biti avo vaimbova gurukota rezvemari vanoti kutadza kutungamira nyika ndiko kwakanda nyika mukanwa mamupere.

Zanu PF Youth League yakatoita chisungo chekuti VaMnangagwa vave chete mumiriri webato reZanu PF musarudzo dzemutungamiriri wenyika muna 2023 uye chisungo ichi chichasimbaradzwa pamusangano wanhasi.

Musangano uyu unotarisirwa kuita sarudzo dzevanyori vezvikamu nevatevedzeri vavo pamwe nekuarudzawo mutevedzeri wemunyori wechikamu chevechidiki. Asi VaMnangagwa ndivo vanodoma munyori wevechidiki uyo anovamirira muPolitburo.

VaMnangagwa vatiwo bato ravo riri kugadzirira vechidiki kuti vatore zvigaro zvekutonga mumusangano nemunyika vachiti ndosaka vese vechidiki vari kusiya zvigaro muYouth League vave kupihwa zvigaro muCentral Committee yebato iri.

Vatiwo vachashaya zvigaro pamusangano wanhasi vachapihwa zvinzvimbo muCentral Committee vasina kukwikiwdza kana kuti maEX-officio members.

Vatiwo apo vechidiki vachaita sarudzo dzavo, havasi kuda vanhu vanobira kana kushandisa mari vachiti bumbiro remutemo webato rinofanira kuremekedzwa.

VaMnangagwa vatiwo apo vakashandisa pfuti kusungungura Zimbabwe vari vadiki, vechidiki vemazuvano, vanofanira kushandisa njere nemichina yechizvizvino kutsvagira Zanu PF rutsigiro pamwe nekuona kuti vanhu vavhotera bato iri zvine mutsindo musarudzo dzegore rinouuya.

Vati Zanu PF ichaita kuti vechidiki vabudirire mumabasa avo.

Vatendawo masangano evechidiki akaita seZimbabwe Congress of Students Unions, Young Women for Economic Development neMan BelieveED awo anotsigira bato ravo vachiti vechidiki vanofanira kusiyana nenyaya dzekushandiswa kuratidzira vachipisa midziyo yevanhu asi kuti vanofanira kutsvaga mari nekupinda muzvirongwa zvevechidiki izvo vari kupihwa nehurumende yavo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG