Accessibility links

Breaking News

Kunetsa kweZvekufambisa Kunonzi Kwave kuKanganisa Nyaya dzeMagariro eVanhu Pamwe neHupfumi hweNyika


Zupco
Zupco

Dambudiko rezvekufambisa mumadhorobha makuru emunyika rinonzi nevamwe vanoongorora zvematongerwo enyika pamwe nevanoongorora zvehupfumi rave kutowedzera zvakanyanya kukanganisa magariro evanhu pamwe nehupfumi hwenyika sezvo vashandi vave kumanikidzwa kunonoka kusvika kumabasa pamwe nekusvika kudzimba.

Vazhinji vevanofamba nemabhazi, zvikuru muHarare neBulawayo, vanonzi vari kuzopedzisira vofamba netsoka sezvo kambani yakapiwa mvumo nehurumende yekutakura vezurizhinji, yeZUPCO, iri kunzi yakundikana kuzadzisa chirevo ichi.

Izvi zvinonzi zvave kupawo mukana kune vane dzimotokari diki avo vanonzi vave kutakura vanhu vachivachaja miripo iri pamusorosoro, kunyange hazvo ivo vasina marezinesi ekutakura veruzhinji.

Mapurisa nemamwe mapazi ehurumende vanonziwo vari kusunga nekurambidza vemotokari vasina marezinesi ava, avo vanozivikanwa nerekuti 'mishikashika', izvo zvinonzi zviri kusvitsa pakuti vamwe varaisikirwe nehupenyu nekuda kwetsaona dziri kuitika apo vatyairi vanenge vachiedza kutiza mapurisa.

Nekuda kwedambudziko iri, vamwe vanhu vanonzi vave kutokwira pamusoro pemabhazi nemarhorhi vamwe vachipinda mumabhutu emabhazi kuti vakwanisenkusvitswa kudzimba dzavo, izvo zvave kuvaisa munjodzi.

Hurumende neChitatu yakabvuma kuti ZUPCO yakundikana, asi yakavimbisa kuti iri kugadzirisa dambudziko iri kuburikidza nekuita kuti mabhazi anofamba pakati pemaguta akaita seharare nemamwe ange achizobatsira kutakura vanhu munguva dzaanenge adzoka muHarare.

Asi munyori anoona nezvekutakurwa kwezvinhu mubato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change, CCC, vari zvakare mumiriri weMbizo mudare reparamende, VaSettlement Chikwinya, vanoti hurumende yakundikana zvakanyanya uye yapererwa.

VaChikwinya vanoti hurumende yakapindira munyaya dzekutakurwa kwevanhu ichihwanda nedenda reCovid-19, asi iyo iine chinangwa chekushandisa vemabhazi kuti vaende pasi peZUPCO isingavabhadhare nenguva uye ichivabhadhara nemadhora emunyika, ayo asina chaachatenga.

Kugadzirisa dambudziko iri, VaChikwinya vanoti hurumende inofanirwa kubvumidza vamwe vedzimotokari dzinotakura veruzhinji kuitawo basa iri,pamwechete neZUPCO yacho, uye kubhadhara vane mabhazi ari kushanda ari pasi peZUPCO nenguva kuitira kuti vakwanisewo kugadzirisa mabhazi avo.

Asi nhengo yeZanu PF vari munyori anoona nezvekuburitswa kwemashoko mudunhu reHarare DCC 3, VaGilbert Dzikiti, vanoti hurumende iri kuita zvose zvainokwanisa kugadzirisa dambudziko rezvekufambisa iri kuburikidza nekutenga mabhazi matsva akawanda kubva kuBelarus.

VaDzikiti vanoti dambudziko harisi pahurumende, asi kuti vemabhazi vari pasi peZUPCO, avo vavanoti vari kunyanya kushanda vaine chinangwa chemari yavanoda kubata pazuva zvekuti kana vangosvitsa mari iyoyo vanobva vatomisa mabhazi avo vogara zvavo pamimvuri vanhu vachitambura.

VaDzikiti vanoti kuti dambudziko iri rigadziriswe, ZUPCO inofanirwa kugadzirisa mashandiro ayo, vachitiwo dambudziko remabhazi riri kuwedzerwawo nezvirango zvavanoti zviri kutadzisa kupinda munyika kwezvinodiwa kugadzirisa mabhazi anenge afa.

Hurukuro naVaGilbert Dzikiti pamwe naVaSettlement Chikwinya
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG