Accessibility links

Breaking News

Vateereri veStudio 7 Votendwa neKubatsira VaZinja Kubuda muSouth Africa


Immanuel Zinja Zimbabwean In SA Attack
Immanuel Zinja Zimbabwean In SA Attack

Mhuri yechimwe chizvarwa cheZimbabwe VaEmmanuel Zinja avo vakakuvara zvakaipisisa mushure mekutemwa mumusoro nematemo nemakano kuCape Town, South Africa inoto iri kufara kuti vakakwanisa kudzokera kuZimbabwe.

VaZinja vakarwiswa nezvinofungidzirwa kuti zvizvarwa zvekuSouth Africa izvo zvisiri kuda kuti zvizvarwa zvedzimwe nyika zvishande munyika iyi.

Mushure mekurwiswa, VaZinja vakasara vasina chekubata zvakapa kuti vakumbire mhuri yeZimbabwe kuburikidza neStudio 7 zvakapa kuti vaunganidze mari yekudzokera kumusha.

Mudzimai waVaZinja Amai Letwin Mupfugami vanoti vari kutenda vateereri veStudio 7 nekubatanidza mari yekuti ivo nemurume wavo vadzoke kumusha.

Amai Mupfugami vanoti vave kumusha kwavo kuMhondoro Ngezi uye havana shungu dzekudzokera kunyika yeSouth Africa sezvo vari kutyira hupenyu hwavo.

Vanoti murume wavo ave kunaya asi achine marwadzo.

Vaenderera mberi vachiti kunyangwe hazvo zvinhu zvakavawomera sezvo vane vana vakatanga chikoro svondo rino, vanotenda Mwari kuti kumusha kwavari kune runyararo uye havasi kugara vakabatira ura mumaoko vachityira hupenyu hwavo sezvavaita kuSouth Africa.

VaZinja vakaitwa kafiramberi asi vakakwanisa kupona nepasaka reshumba. Vamwe vakaita samushakabvu Elvis Nyathi vakapondwa nekupiswa mwedzi wapera kuSoweto vakarasimirwa nehupenyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG