Accessibility links

Breaking News

ZEC Yoshorw neKunyoresa Vanhu Makumi Masere neVasere (87) Vanogara Pamba Imwe Chete kuKariba


Sachigaro weZEC Amai Priscilla Chigumba
Sachigaro weZEC Amai Priscilla Chigumba

Zimbabwe Electoral Commission inoti inongonyoresa vanhu kunyangwe vakawanda vachigara pazvimbo imwe chete sezvo zviri kuvanhu kupa huchapupu hwechokwadi pavanenge vachinyoresa kuvhota.

Asi inoti vanenge vaine chichemo kuti vanhu vanyoreswa havagare munharaunda yavo, vakasungunuka kuenda kumahofisi avo nehumbowo hwacho kunomhan’ara.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muZEC VaUtoile Silaigwana vakataura mashoko aya mushure mekunge pabuda nyaya yekuti pane imwe imba kuKariba pakanyoreswa kuti panogara vanhu makumi masere nevanomwe avo vakanyoresa kuvhota.

VaSilaigwana vari kukurudzira vagari vemuwadhi 8 kuKariba kunonzi kwakanyoreswa vanhu ava kuti vaende kumahofisi avo nehumbowo wavo.

Izvi zvinotsigirwa nemukuru weZEC mudunhu reMashonaland West VaAustin Ndlovu vanoti donzvo ravo nderekuti vanhu vakwanise kupinda mugwaro remazita evanhu vanovhota kuti vakwanise kuvhota.

VaNdlovu vanoti vanonyoresa munhu kunyange akati anogara paanoshanda, pachikoro kana kunyange akati anogara pedyo nedhibhi remombe.

Asi munyori mukururu anoona nezvesarudzo mubato reCCC mudunhu reMashonaland West VaKudakwashe Chigumo vanoti asi vashandi veZEC vaifanirwa kushamisika nehuwandu hwevanhu vakanyoresa kuti vanogara panzvimbo imwechete.

VaChigumo vanoti vakaenda panzvimbo iyi panove pakambani inoita nezvematemba mushure mekuona gwaro revavhoti ravakapihwa nevashandi veZEC.

Sachigaro weZimbabwe Election Support Network, ZESN, VaAndrew Makoni vanoti vanowirirana nemashoko aVaSilaigwana zvikuru ekuti kana paine
anopokana nekunyoresa kwemumwe munhu kuti avhotere munzvimbo
anofanirwa kunomhan’ara kuZEC sezvo zviri izvo zvinotaurwa nemutemo.

Asi chikamu chemutemo ichi chinonzi hachisi kutevedzerwa sezvo vanhu vari kusungwa pachitariswa kuti wabuda mumba maani. MuHarare vaimbove meya weguta iri VaHebert Gomba vakasungwa vachipomerwa mhosva yekuzvinyoresa ivo nevamwe vanhu kuti vaigara pamba pevabereki vavo pavakatanga kunyoresa kuvhota.

Rimwe gweta rine mukurumbira VaFredy Masarirevhu vanoti mutemo unofanirwa kuvandudzwa sezvo parizvino mumwe munhu anokwanisa kusungwa pakaita amhan'ara asi mumwe agotadza kusungwa kana pasina amhan'ara.

Vagari vemuwadhi 3, 4 ne8 vachange vachivhotera makanzura munzvimbo
dzavo nemusi weMugovera svondo rino.

Nyaya yegwaro revavhoti inogara ichinetsa nguva dzose dzesarudzo paine kuchemachema kwakawanda kubva kumapato anopikisa achiti
rinoshandiswa kubirira sarudzo nebato reZanu PF.

Asi Zanu PF inogara ichiramba kuti inobirira sarudzo ichiti kutaura kwevanhu vanenge vakundwa..

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG