Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chitatu, Chivabvu, 04, 2022


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Nhengo yeparamende inomirira Norton VaTemba Mliswa vokurudzira dare reparamende kuti ridaidze mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti vazopindura mibvunzo nezvemhosva dzehuori dziri kupomerwa makurukota avo.

Dare reparamende rodaidza gurukota rezvematunhu VaJuly Moyo kuti vauye kuzotaura nezvekutatarika kweZUPCO kuita basa rekutakura vanhu zvopa kuti vakawanda vafambe netsoka.

Hurumende inoti yakwanisa kuunganidza mari inodiwa kuti itange chirongwa chechipiri chekubaya vanhu vakawanda nhomba kana kuti blitz. Chirongwa chekubaya vanhu ichi chakatanga nezuro chichitarisirwa kupera musi wa15 Chivabvu.

Zvikoro zvakavhurwa nezuro asi zvinhu zvinonzi hazvina kumira zvakanaka sezvo vamwe vana vari kudzoserwa kumba nekusabhadhara mari yedzidzo ukuwo vamwe varairidzi vari kuramwa mabasa.

Masangano anomirira zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zviri muSouth Africa ochema chema nemutemo uri kuda kudzikwa neguta reJohannesburg wekurambidza zvizvarwa zveZimbabwe nezvekune dzimwe nyika kutengesa mumigwagwa nekuita mamwe mabasa emaoko.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze zvotambira nemufaro mashoko egurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaFrederick Shava, ekuti zviri kuita zvikuru mukusimudzira phupfumi hwenyika kuburikidza nemari dzazvinotumira kumusha, asi zvichitiwo iyo hurumende ngaizvipewo mikana yakaenza yekutanga mabhizimusi kumusha

Muchirongwa cheDiaspora Forum na8 pm chatinotaura nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika tiri kutarisa danho rotorwa neguta reJohannesburg rekurambidza zvizvarwa zveZimbabwe nezvekune dzimwe nyika kutengesa mumigwagwa nekuita mamwe mabasa emaoko.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG