Rimwe sangano rinomirira zvizvarwa zveZimbabwe zviri mumatunhu anoti D.C., Maryland, Virginia ne West Virginia muno muAmerica, reCoalition of Zimbabweans in the DC Area, COZDA, rinoti rinotambira nemufaro mashoko egurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaFrederick Shava, ekuti vana veZimbabwe vari kunze kwenyika vari kuita bandiko guru kwazvo mukusimudzira hupfumi hwenyika kuburikidza nemari dzavanotumira kumusha.
Asi sachigaro wesangano iri, VaJonah Masiya, avo vanoti bato ravo harineyi nezvematongerwo enyika, vanoti hurumende inofanirwawo kupa vemasangano anomirira vana veZimbabwe vari kunze mukana wekugara navo pasi ichinzwawo zvavanoshuvira kuti zviitwe, kwete kuti zviite sezvine zvematongerwo enyika mukati.
VaMasiya vanoti vanotarisirawo kunge hurumende ichizovacherechedzawo kuburikidza nekuvawanisa mikana yekutangawo mabhizimusi kumusha uye kupa vari kunze mukana wekuvhota pamwe nezvimwe zviri zvavanoshuvira.
Vachitaura kumusangano weDiplomats Forum wakaitwa parutivi pe Zimbabwe International Trade Fair manheru emusi weChina chapfuura, VaShava vakati hurumende iri kufadzwa nemari iri kutumirwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, izvo vakati zvakatumira mari inosvika US$1.4 Billion yemari yekuAmerica mugore rapera, iyo inonzi yakawanda kudarika mamwe makore ose.
Vana veZimbabwe vari kunze vari kunziwo vari kutora mikana yekutanga mabhizimusi kumusha, asi vachikurudzirawo hurumende kuti ipe mukana uyu kune vanhu vose zvisineyi nezvematongerwo enyika.
Facebook Forum