Mutungamiri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vakazivisa neChipiri kuti bato ravo richaita musangano waro mukuru weOrdinary Congress mukupera kwemwedzi unouya waChikumi.
Mutauriri weMDC-T, VaWitness Dube, vatsinhira mashoko aya vachiti musangano uyu uchapindwa nehutungamiriri hwebato hunodarika zviuru zvina hunobva kumatunhu ose uye ndipo pachasarudzwa hutungamiri hwepamusoro hwebato, vachiti zvgar zvichakwikwidzwa zvinosanganisira chemutungamiri webato.
VaDube vanoti musangano mukuru uyu waifanirwa kunge wakaitwa muna Kurume wegore rino asi wakazosendekwa kuitira kupa mukana wekuti vapinde musarudzo dzema by-election dzakaitwa musi wa 26 Kurume.
VaMwonzora vakasarudzwa kuve mutungamiri weMDC-T pamusangano we Extra-ordinary Congress muna Zvita 2020 vachikunda Muzvare Thokozani Khupe avo vakabuda mumusangano uyu vachinyunyuta kuti VaMwonzora vakanga vabiridzira sarudzo idzi.
Facebook Forum