Accessibility links

Breaking News

Kukwira kwe Inflation yePamwedzi nePagore Muna Kubvumbi Kwowedzera Kuoma kweHupenyu hweVanhu muNyika


Zimbabwe Wild Inflation Shop Prices

Vakuru vanoti sadza huritamburira, hapana angaridye akatambarara. Izvi ndizvo zvinonzi zviri kuitwa nevashandi vakawanda munyika, zvekushanda zvisina zororo kuti vawane musuva wesadza.

Asika, vamwe vanoti sadza rinofamba nderine muriwo!

Zvino mhuri dzakawanda dzinonzi dziri kungotemura nekuda kwekukwira kwemitengo yezvinhu zvizhinji munyika.

ZIMSTAT yakazivisa svondo rapera kuti inflation kana kuti kukwira kwemitengo yezvinhu kwepamwedzi mumwedzi wapera waKubvumbi kwakasvika pazvikamu gumi nezvishanu zvine zviga zvishanu kubva muzana (15.5 percent) kubva pazvikamu zvitanhatu nezviga zvitatu (6.3 percent) mumwedzi waKurume. I

nflation yepagore mumwedzi wa Kubvumbi inonzi yakakwirawo zvakanyanya kuenda pazvikamu makumi mapfumbamwe nezvitanhatu zvine zviga zvina kubva muzana kana kuti 96.4 percent ichibva pazvikamu makumi manomwe nezviviri zvine zviga zvinomwe kubva muzana (72.7 percent) mumwedzi waKurume.

Nyanzvi mune zvekuhupfumi Muzvinafundo Gift Mugano vanoti veruzhinji munyika vave kunzwa kurwadza kwekukwira kuri kuramba kuchiita mitengo yezvinhu zvekuti vari kutadza kuzvinzwisisa kuti ichokwadi here chiri kuitika.

Mukuru wesangano rinomirira vezvitoro, reConfederation of Zimbabwe Reatilers, VaDenford Mutashu, vanoti inflation yemunyika iri kuwedzerwa kumhanya nehondo iri pakati peRussia neUkraine, sezvo Zimbabwe, sedzimwe nyika dzakawanda, ichitengawo zvimwe zvezvinhu zvakakosha zvinoshandiswa munyika.

VaMutashu vanoti chimwe chakanyanya kukwira mutengo mafuta ekubikisa uye hupfu.

Imwe nyanzvi mune zveupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economc Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara vanotiwo kukwira kwemitengo yezvinhu kunogona kukonzerwawo zvakare nekuwanda kwemari inenge ichitenderera munyika asi zvigadzirwa zviri zvishoma.

Saka dambudziko rekukwira kwemitengo yezvinhu iri ringagadziriswa sei? VaChitambara vanoti panofanirwa kuonekwa kuti mitengo yezvinhu munyika yagadzikana, yarega kuramba ichingokwira sezvairi kuita iye zvino.

VaMutashu vanotiwo vari mushishi kutaudzana nehurumende kuti pawanikwe nzira dzekudzikamisa nadzo mitengo yezvinhu.

Kunze kwekunge zvinhu zvakwanisa kugadzikana sezviri kukurudzirwa nenyanzvi dzehupfumi idzi pamwe nevemabhizimusi,chirevo chekuti “chaitemura chave kuseva” chicharamba chiri chiroto kumhuri dzakawanda, uye vashandi vacharamba vachitamburira sadza sezvo risingadyiwi neakatambarara.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG