Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yobatana neDzimwe Nyika Kucherechedza Zuva reVatori veNhau


Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa 
Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa 

Zimbabwe nhasi yabatana nenyika dzepasi rose kupemberera zuva reWorld Press Freedom Day.

Vatori venhau munyika vakurudzira hurumende vezvematongerwo enyika pamwe neveruzhinji kuti varemekedze kudzero dzevatori venhau pamwe nekusimudzira mabasa ekufambiswa kwemashoko vachiti kana izvi zvikaiti nyika

Vachitaura kumhemberero dzeWorld Press Freedom dzange dzakarongwa nesangano reUNESCO kuBulawayo mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaKindness Paradza vati hurumende iri kuvandudza mutemo weBroadcasting Services Act kuti nhepfenyuro dzematunhu dzikwanise kutsvaga mari kubva kumakambani ekunze neemu

VaParadza vanoti hurumende yakwanisawo kuvandudza mimwe mitemo kurerutsira vatori venhau.

Asi masangano evatori venhau anoti vachiri kushanda vari parumananzombe muZimbabwe.

Masangano aya ati vatori venhau vachiri kushungurudzwa munyika uye zvakosha kuti vabvumidzwe kushanda pasina kushungurudzwa vachiti izvi zvinoita kuti veruzhinji vawane ruzivo rwakakosha pakurarama kwavo.

Mutauriri wesangano reYoung Journalists Association, VaLeopold Munhende, vaudza Studio 7 kuti nhasi izuva rekuti vangadai vachipembera asi izvi hazvisi kuitika nekuti vari kushungurudzwa.

Mutungamiriri wesangano rinomirira vatori venhau vanoshanda zvakazvimirira reNational Association of Freelance Journalist, Amai Lynnete Manzini, vaudza Studio 7 kuti nhasi izuva rekuti vaongorore kuti mashandira avo akamira sei uye vati hazvifadzi kuti nyika yakatodzika mutemo inovashungurudza zvikuru sei pamadandemutande.

Sachigaro veMedia Institute of Southern Africa-Zimbabwe,VaGolden Maunganiudze, vati kunyange hazvo kushungurudzwa kwevatori venhau kwakadzikira mugore rapfuura kana zvichienzaniswa nemakore apfuura. hurumende nevemapato ezvematongerwo enyika vanofanira kusiyana nekushungurudza vatori venhau zvikuru sei apo nyika yatarisna nesarudzo dza2023

Vatendawo hurumende nekupasa mitemo yakaita seFreedom of Information Act nekupamarezenisi kunhepfenyuro dzemunharaunda kana kuti maCommunity Radio Stations.

Mukuru anoona nezvezvirogwa panhepfenyuro yeVeMuganga FM yekuChipinge iyo yakapihwa rezenisi gore rapfuraa, VaOwen Dhliwayo, vati kunyange hazvo vakapihwa rezeni, hurumende inofanira kubvisa mitemo inokanganisa kufambiswa kwemashoko yakaita seCyber and Data Protection Act.

Sangano reZimbabwe Association of Community Radio Station rati hurumende inofanira kuona kuti vatori venhau vachengetedzwa zvikuru sei panguva dzesarudzo uyewo hurumende haifaniri kupindira pamashandire enhepfenyuro dzematunhu.

ZACRAS yatiwo mutemo weBroadacasting Services Act uyo unorambidza kuti vekunze vasime mari mumakambani ekutepfenyura unofanira kuvandudzwa.

Zuva ReWorld Press Freedom Day rakatange kucherechedzwa muna 1993 senzira yekurangaridza dzihurumende pasi rese kuti dzirekedze kodzero dzevatapi venhau pamwe nekufambiswa kwemashoko pasina kuvhiringidzwa.

United Nations Inoti dingidzira regore rino rekuti Journalism Under Digital Siege madandemutande kana kuti kuti Internet zvave kushandiswa kupinza vatori venhau nebasa ravo munjodzi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG