Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change kana kuti CCC riri kupomera mapurisa neZanu-PF mhosva yekuvakutsira kuZengeza, Chitungwiza zvakasiya vanhu vakawanda vakuvara.
Mumiriri weZengeza West mudare reparamende VaJob Sikhala vaudza Studio 7 kuti vakarwiswa vachitsvagira kanzura wavo uye vaive meya weChitungwiza VaLovemore Maiko rutsigiro pamberi pesarudzo dzemusi weMugovera.
VaMaiko vakadzingwa mukanzuru naVaDouglas Mwonzora veMDC-T uye vamomzi vakakuvara mushure mekurwiswa nematemo nemakano.
Asi mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaTafadzwa Mugwadi varamba kuti nhengo dzebato ravo dzakabatana nemapurisa kurwisa veCCC.
Vaudza Stidio 7 kuti veCCC ndivo vakasvokosva mapurisa. Mutauriri wemapurisa Assistant Comissioner Paul Nyathi vange vasiri kudaira nharembozha payatakayedza kuvabata.
Facebook Forum