Accessibility links

Breaking News

Mauto eRussia Opomerwa Mhosva Dzekubata Madzimai neVana Chibharo muUkraine.


Ukraine neBritain dziri kukurudzira kuti mauto emuRussia ari kupomerwa mhosva dzekubata madzimai nevanasikana chibharo arangwe zvakaomarara.

Mumiriri weUkraine kuCanada Amai Yulia Kovaliv vakaudza dare reHouse of Commons munyika iyi kuti Russia yave kushandisa chibharo sechombo chehondo uye mhosva idzi dzinofanira kuongororwa

Britain inoti iri kuzotumira nyanzvi kunoferefeta mhosva dziri kupomerwa mauto eRussia if zip. International Criminal Court kana kuti ICCC neUkraine dzitori kuunganidza humbowo pamhosva dziri kupomerwa mauto eRussia idzi.

Asi Russia iri kuramba kuti mauto ayo ari kubata vanasikana nemadzimai chibharo muUkraine. Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaKennedy Masiye vaudza Studio 7 kuti nyaya dzakadai dzinofanira kuferefetwa zvakasimba potorwa matanho.

Russia haisi hayo nhengo yeICC nekudaro zvinonetsa kuitonga kudare iri. Izvi zvapa kuti vamwe vakurudzire kuti paumbwe rimwe dare rechimbi chimbi kuongorora nyaya idzi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG