Accessibility links

Breaking News

Munyori Mukuru weUnited Nations Okurudzira Kupera kweHondo muUkraine


Munyori mukuru weUnited Nations VaAntonio Guterres vaita musangano nemutungamiri wenyika yeUkraine VaVolodymyr Zelenskyy muguta guru renyika iyi reKyiv vakati kurwiswa kwenyika iyi neRussia kuri kupa kuti vanhuwo zvavo varasikirwe nehupenyu.

VaGuterres vashanyira nzvimbo dzakaita seBorodianka, Irpin neBucha uko kwakawanikwa mitumba yevanhu vakaurayiwa pakabuda mauto eRussia munzvimbo idzi. Izvi zvakapa kuti vakawanda vati idzi dzitorwe semhosva dzehondo dzinofanira kuongororwa.

VaGuterres vakurudzira Russia kuti ishande neInternational Criminal Court mukuongorororwa kwenyaya iyi. Vatiwo vari kuda kuti vanhu vemuUkraine vapihwe chikafu zvinova zvavati vakataurawo nemutungamiri wenyika yeRussia VaVladimir Putin.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vanotiwo vaendesa kuCongress chikumbiro chekuti vakwanise kutumira zvimwe zvombo nerubatsiro kuUkraine.

Vanoongogora nyaya dzezvehupfumi VaMasimba Kuchera vanoti hondo iyi iri kukukonzera matambudziko makukutu kunyika dzakaita seZimbabwe dzi sezvo kunyika iyi kuchitengwa gorosi, chibage nemafuta ekufambisa dzimotokari.

Hurukuro naVaMasimba Kuchera
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG