Accessibility links

Breaking News

VaMugwadi Voudza VaMalema Kuti VaMnangagwa Hakuna Kwavari Kuenda


VaTafadzwa Mugwadi mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF
VaTafadzwa Mugwadi mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF

Mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi vanoti mutungamiri webato rinopikisa muSouth Africa reEFF, VaJulius Malema havafanire kupedza nguva yavo vachitaura zveZimbabwe vachiti havasi chizvarwa cheZimbabwe.

VaMugwadi vaudza Studio 7 kuti VaMnangagwa nebato reZanu-PF havana kwavari kuenda. VaMugwadi vati, "Hatiwanzopindura zvinhu zvisina maturo zvinotaurwa nevasiri vana veZimbabwe...kana vataura mashoko iwayo dai vachiziva havo kuti musangano weZanu-PF naVaMnagagwa are Here and Here to stay with the people of Zimbabwe. Vakaziva izvo zvo ndofunga basa ravo rekupikisa hurumende yekuSouth Africa rinovaitira nyore."

Vachitaura nezuro pazuva rekuwana kuzvitonga kuzere kwenyika yavo, VaMalema vakati zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi zvinofanira kudzokera kumusha kunovhota kuti zvibvise VaMnangagwa vavakati vari mumhute nekutadza kutungamira nyika.

Mashoko aVaTafadzwa Mugwadi
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG