Accessibility links

Breaking News

Zvimwe Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri muAmerica Zvinosangana neGurukota rezveMari VaMthuli Ncube Pamusoro peMikana yeKutanga Mabhizimusi


Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica mukupera kwesvondo zvakawana mukana wekusangana negurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube nechikwata chavo pamwechete nemumiriri weZimbabwe muAmerica, VaTadeus Chifamba muWashington D.C. kuti zvinzwisise nezvemikana yekuvhura mabhizimusi pamwe nekudyara mari kumusha.

Muzvinafundo Ncube, avo vakanga vari muD.C. kumisangano yepagore yeWorld Bank neInternational Monetary Fund (IMF) yakaitwa kubva musi wa 18 kusvika musi wa 24 mwedzi uno, vanonzi vakavimbisa vashoma vakakwanisa kupinda mumusangano uyu kuti kumusha kune mikana yakawanda kwazvo yekuti vatange mabhizimusi.

Vanonzi vakati mikana iri mumapoka anosanganisira ezvemigodhi, mhando dzemoto, kurima, zvigadzirwa, kushanyirwa kwenyika pamwe nezvimwe, iyo vana veZimbabwe vari kunze vanokwanisa kupinda vachitanga mabhizimusi kana kudyara mari dzavo.

Mumwe wevakapinda mumusangano uyu, VaShongedzai Mawokomatanda, avo vakabva muguta reAtlanta riri mudunhu reGeorgia, vanoti vanoona sekuti musangano uyu wakanga wakakosha zvikuru sezvo vana veZimbabwe vakapinda vakakwanisa kubvunza zvavaida kunzwisisa vasati vakana mari dzavo.

VaMawokomatanda vanotiwo zvimwe zvaida kunzwisiswa nevakapinda mumusangano uyu ndezvekuti vanokwanisawo here kuwaniswa rubatsiro nehurumende sezvinonzi zviri kuitirwa vekune dzimwe nyika vari kutanga mabhizimusi muZimbabwe, mubvunzo wavanoti vakapindurwa zvinogutsa sezvo Vancube vachinzi vakati vanokwanisa kubatsirwa, uye hurumende yakatoumba komiti iri kutarisa nezvazvo.

Hurukuro naVaShongedzai Mawokomatanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG