Accessibility links

Breaking News

Munyori Mukuru weUnited Nations VaAntonio Guterres Voita Musangano naVaPutin


VaVladimir Putin vachisangana naVaAntonio Guteres

Munyori mukuru weUnited Nations VaAntonio Guterres vasangana nemutungamiri wenyika yeRussia VaVladimir Putin uye gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muRussia VaSergei Lavrov.

Vachitaura nevatori venhau papera misangano iyi, VaGuterres vati vanonzwisisa zviri kutaurwa neRussia kuti yainge iine zvichemo asi vakati zvainge zvakakosha kuti iende kuUnited Nations zvichemo zvacho zvigadziriswe. VaGuterres vati vari kunetsekawo nemhosva dzehondo dzinonzi dziri kuparwa muUkraine.

Asi VaPutin varamba kuti mauto avo akaponda vanhu mudunhu reBucha vachiti zviri kutaurwa nevanhu vanoda kusvibisa zita ravo. VaOutin vatiwo vakagadzirira kuita hurukuro dzerunyararo neUkraine asi vakati Ukraine ndiyo isiri kuratidza kuzvipira.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika muzvinafundo Moses Rumano vanoti rwendo urwu rwakakosha mukuyedza kuunza runyararo muUkraine. Mutungamiri weUkraine VaVolodymyr Zelensky vashora zvaitwa naVaGuterres zvekutanga kuenda kuRussia vasati vaenda kuUkraine.

Vamwe muUkraine vari kuti United Nations haina zvakawanda zvayakavabatsira nazvo mukuyedza kumisa hondo.

Zvichakadaro, America nhasi yaita musangano nenyika makumi mana muGermany kuti paitwe mushandirapamwe wekubatsira Ukraine iyo iri kurwiswa neRussia nezvombo.

Izvi zvinotevera musangano wakaitwa nezuro pakati pemutungamiri weUkraine VaVolodymyr Zelenskyy nemakurukota ehurumende yeAmerica anoti gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika VaLloyd Austin uye rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaAntony Blinken.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Muzvinafundo Moses Rumano vaudza Studio 7 kuti Ukraine inoda rubatsiro sezvo vanhuwo zvavo vasiri mauto vari kuramba vachiurayiwa

Hurukuro na Muzvinafundo Moses Rumano
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Muzvinafundo Elliot Masocha vaudzawo Studio 7 kuti kutumirwa kwenhumwa kuUkraine neAmerica kwakakosha mukusimbaradza hukama hwenyika mbiri idzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG