Musika mukuru wekutengeserana wemunyika, weZimbabwe International Trade Fair, ZITF, watanga nhasi muBulawayo hurumende, nyanzvi mune zvehupfumi pamwe nevemabhizimusi vachiti musika uyu wakakosha zvikuru sezvo uchipa vemabhizimusi vemunyika nevekunze mukana wekushambadza zvigadzirwa zvavo pamwe nekuumba hushamwari.
Gurukota rezvemaindasitiri Amai Sekai Nzenza vanoti sehurumende vari kutarisira kuti makambani mazhinji ekunze neemunyika vachange vachiratidza zvavanogadzira, vachitiwo vari kufara kuti makambani emunyika ave kukwanisa kuisa zvigadzirwa zvawo mumasherufu emuzvitoro.
Vaimbove mutungamiri wemubatanidzwa wemakambani emunyika, weConfederation of Zimbabwe Industries, VaCalisto Jokonya, vanoti kunyange hazvo zvinhu zvakaoma munyika, musika uyu uri kupa vanhu mukana wekunge vachizvionera voga zvigadzirwa zviri kushambadzwa.
Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera vanoti uyu mukana wakakosha zvikuru kuti vanogadzira zvigadzirwa vashambadze kune vatengi, vangave vemunyika kana vekunze sezvo kuinewo vemakambani ekunze kwenyika vari kushambadzawo zvigadzirwa zvavo.
Izvi zvinotsinhirwawo neimwe nyanzvi mune zvehupfumi vachitungamira sangano re Labour and Economic Development Research Institute, Doctor Godfrey kanyenze, avo vanoti musika weZITF wakakosha nekuti unokurudzira nekusimudzira hukama hwemabhizimusi emunyika nemakambani ekunze.
Asi vemabhizimusi vane chavanozosarawo vakabata here mushure mekunge musika uyu wapetwa? VaKanyenze vanoti vemabhizimusi vanokwanisa kusara vaine zvakawanda zvinosanganisira hukama nevekunze uye hunyanzvi kubva kune vane mishina yekushandisa mumakambani avo.
Asi VaKuchera vanoti havaoni vemakambani vachisara vaine chekubata nekuda kwemamiriro ezvinhu munyika, vachiti zvakakosha kuti vanoita zvekutungamira hupfumi munyika vange vachibuda nemitemo inoita kuti vemabhizimusi vashande vasina zvinovapiringisha.
Musika wegore rino unonzi une vari kuratidza zvigadzirwa zvavo vanosvika mazana mashanu negumi nevana (514) uye makumi manomwe nemumwe wavo vari kuratidza zvigadzirwa zvavo kekutanga gore rino. Nyika gumi neina dzinosanganisira Japan, Indonesia, Britain, Belarus, Angola, Botswana, South Africa, neNamibia dzinonzi dziripowo gore rino.
Mutewedzeri wemutungamiri wenyika, Va Constantino Chiwenga, vanonzi vasvika muBulawayo nhasi pamberi pemusangano we International Business Conference wavari kutarisirwa kuvhura neChitatu. nemusi weChina VaChiwenga vari kutarisirwawo kutaura pamusangano wekutanga we Connect Africa Symposium.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vave kutarisirwa kuvhura zviri pamutemo musika wepagore wekutengeserana weZimbabwe International Trade Fair kana kuti ZITF kuBulawayo.
Dingindira regore rino rakanangana nekukuvandudza pfungwa nemuonero panyaya yekugadzira zvinhu nekuunza budiriro munyaya dzezvehupfumi kana kuti “Rethink, Reimagine, Reinvent, Value Chains for Economic Development”.
Facebook Forum