Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chipiri, Kubvumbi 26, 2022.


Nhau DzeShona Studio7

Kunetsana pakati pehurumende nemakanzura ebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change kwoenderera mberi muHarare gurukota rezvematunhu richiti kusarudzwa kwevakafanobata chigaro chameya hakusi pamutemo.

Zimbabwe inoti yave kuda kuti inzi nyika ine hurombo hwakanyanya kuti ikanganwire zvikwereti zvairi kutadza kubhadhara. Mitero chete yezvichikwereti izvi yadarika mabhiriyoni matatu nezviuru mazana masere ekuAmerica kana kuti US$3, 8 billion.

Musika mukuru munyika wekutengeserana weZimbabwe International Trade Fair wotanga muBulawayo nhasi.

Vanhu vanomwe vari kupomerwa mhosva yekuponda nekupisa chizvarwa cheZimbabwe VaElvis Nyathi vokumbira dare ramejastiriti kuRandburg , Johannesburg kuti rivape mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Vanhu vasere vofa munjodzi dzemumugwagwa kuHarare neBulawayo nhasi.

Varairidzi vanoti hurumende yave kutatarika kuzadzikisa chivimbiso chekubhadharira vana vavo mari yechikoro sezvayakavimbisa.

Sarudzo dzekutsvaga imwe nhengo ichamirira vanhu vakaremara muSeneti zvichitevera kufa kwaSeneta Rejoice Kumire nedenda reCovid-19 muna 2021 dzichaitwa musi wa14 mwedzi unoouya muHarare uye nezuro ndiro raive zuva rekuti masangano anomirira vanhu vakaremera vaendese mazita evanhu vachavhota musarudzo idzi.

Munyori mukuru weUnited Nations VaAntonio Guterres votarisirwa kusangana nemutungamiri wenyika yeRussia VaVladimir Putin kuyedza kupedza hondo pakati penyika iyi neUkraine.

Muchirongwa chedu cheThe Connection na8pm nhasi, Mike Hove weStudio 7 ari kuita hurukuro nevechidiki nezvenyaya yekunyoresa kuvhota sezvo ZEC iri kufamba nzvimbo dzakasiyana siyana ichinyoresa vavhoti. Mike ari kuita hurukuro nevamwe vane masangano ari kukurudzira vechidiki kuti vanyorese kuvhota uye vamwe vari kuitawo zvirongwa zvekusimudzira vechidiki nemadzimai kumaruwa. Vari kupinda muchirongwa ndevanotevera Nkosikhona Dibiti – Mutauriri weEkhaya Votes 2023 John Muchenje- Mukuru we H-4 Zimbabwe Foundation Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG