Accessibility links

Breaking News

America Yotumira Makurukota Ayo kuUkraine


VaAntony Blinken naVaLloyd Austin
VaAntony Blinken naVaLloyd Austin

Ukraine inoti Russia yatanga kurwisa nemuchadenga nzvimbo yeAzovstal Steel Factory muguta reMariupol mushure mekunge mutungamiri wenyika iyi VaVladimir Putin vamboudza mauto avo akakomberedza nzvimbo iyi amire kurwisa.

Zvichakadaro, sangano reInternational Committee of the Red Cross mumashoko kuvatori venhau razivisa nhasi kuti riri kushushikana nemamiriro akaita zvinhu muMariupol umpo vanhu vasina zvekudya uye vakawanda vakakuvara vasina nzira yekubuda muguta iri. Sangano iri rati rinoda kupihwa mukana wekubatsira vanhu ava.

Kurwiswa kweUkraine kuri kuuya apo mutungamiri wenyika iyi VaVolodymyr Zelenskyy vari kutarisira kuita musangano muguta guru renyika iyi reKyiv nemakurukota emuAmerica anoti gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaAntony Blinken uye gu rezvekudzivirirwa kwenyika VaLloyd Austin.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG