Vaimbova gurukota rinoona nezvehutano vari munyori mubazi rezvehutano mubato rinopikisa reCitizens Coalition for Change Dr Henry Madzorera vanoti vanhu vave kufanira kugadzirira kugara nechirwere cheCovid-19 nekuti chiri kuratidza kuti kupera kwacho kuchatora nguva.
Izvi zvinotevera mashoko ekuti chirwere ichi chave kupararira zvakanyanya kuSouth Africa iyo inodyidzana zvakasinba neZimbabwe munyaya dzekushanyirana.
Bazi rinoona nezvehutano muSouth Africa reNational Department of Health rinoti huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi hwawedzera nezvikamu zvinodarika gumi nezvitatu kubva muzana kana kuti 13,1% mumazuva manomwe adarikaZvimbo dziri kunyanya kubatwa vanhu nechirwere ichi iGauteng, KwaZulu-Natal neWestern Cape.
China iyo inodyidzana neZimbabwe uye inotengesera nekupa Zimbabwe nhomba dzeCovid-19 iri kutatrika kupedza chirwere ichi mudunhu reShangai umo mafa vanhu makumi mana mavhiki adarika. Imwe nyika iti kutatarika nechirwere ichi iSouth Korea. Nyika dzine vanhu vakawandisa vafa necvhirwere ichi iAmerica neRussia.
Zvichakadaro, bazi rezvehutano rinoti nezuro hakuna munhu akafa nechirwere cheCovid-19 zvasiya vafa nacho vachingori zviuru zvishanu nemazana makumi matanhatu nevasere kana kuti 5 468.
Vanhu makumi matatu nevatanhatu kana kuti 36 vakabatwa nechirwere ichi nezuro. Vabayiwa nhomba kaviri vave mamiriyoni matatu nezviuru mazana matanhatu nemakumi matatu nemaviri zvine zana negumi kana kuti 3 632 110.
Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu zviuru makumi manomwe kubva muzana panopera mwedzi maChikunguru.
Facebook Forum