Mutungamiri weZanu PF, vari zvakare mutungamiri wenyika, VaEmmerson Managagwa, vati bato ravo richavandudza hupenyu hwevanhu vemumaguta nemadhorobha, avo vavati vari kuwana rubatsiro nechakare kubva kuzvirongwa zvakasiyanasiyana zviri kuitwa nehurumende mushure mekukundikana kwemakanzuru.
Vachitaura vari mumusha weEpworth umo vasangana nevatsigiri vebato ravo vachivatenda nekuvhotera kwavakaita nhengo yeZanu PF musarudzo dzichangobva kuitwa dzema by-elections, VaMnangagwa vavimbisa kukwidziridza Epworth kuti ive dhorobha.
Vakurudzirawo vana veZimbabwe kuti vange vachizvirimira chikafu chavo, kuzvigadzirira migwagwa voga, kugadzira mbatya dzavanopfeka uye kuti vana vadzidze muzvikoro zvinovakwa nenyika.
VaMnangagwa vazivisawo kuti mutungairi weKenya, VaUhuru Kenyatta, avo vanga vachitarisirwa kupinda munyika svondo rinouya kuzovhura zviri pamutemo Zimbabwe International Trade Fair ichaitirwa ku Bulawayo havachakwanise kuuya zvichitevera kushaya kqwevaimbove mutungamiri weKenya, VaMwai Kibaki neChishanu.
Facebook Forum