Bato reMDC-T rinotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora rinoti riri kushushikana zvikuru nekubviswa kwevanga vakafanobata chigaro chameya weHarare, VaStewart Mutizwa, pachigaro nemakanzura ebato reCitizen’s Coalition for Change (CCC) musarudzo yakaitwa neChishanu muHarare.
Sarudzo iyi yakaona VaEnock Mupamawonde vebato reCCC avo vachangobva kusarudzwa musarudzo dzema by-election dzakaitwa mwedzi wapera, vachitora chigaro ichi.
Mutauriri webato reMDC-T, VaWitness Dube, vanoti bato reCitizens’ Coalition for Change harina mvumo yekudzinga meya werimwe bato, vachiti zvakaitwa nebato iri zviri kunze kwemutemo,.
Vanotiwo zvinopikisana nezvakaziviswa negurukota rezvekutongwa kwematunhu VaJuly Moyo, zvekuti hutungamiri hwemakanzuru hahufanirwe kushandurwa mushure memusarudzo dza 26 Kurume idzi, zvichireva kuti makanzura matsva eCCC haafanirwe kubata zvigaro.
VaMupamawonde vari kubata chigaro chaVaJacob Mafume vebato reCCC zvakare, avo vari pazororo.
VaMafue vakaudza Studio 7 neChishanu kuti bato ravo rakanga risiri kuzotevera tsamba yaVaJuly Moyo iyi vachiti ivo nemaziviro avo emutemo vachatevera chikamu 96 chemutemo wekutongwa kwemaguta, kana kuti Urban Councils Act.
Asi VaDube vanoti kana CCC yaipikisa danho regurukota iri, yaifanirwa kuenda kumatare, kwete kudzinga meya webato ravo.
VaDube vanoti bato ravo richambozeya nezvenyaya iyi rozoona kuti rotora matanho api ari pamutemo.
Facebook Forum