Accessibility links

Breaking News

Vashandi Vari Kuverenga Vanhu paCensus kuMasvingo Vochema Kuti Mvura Iri Kunaya Yave Kuvatadzisa Kuita Basa ravo


Chirongwa chekuverengwa kwevanhu ichi chiri kutungamirirwa neZimstat.
Chirongwa chekuverengwa kwevanhu ichi chiri kutungamirirwa neZimstat.

Vashandi vehurumende vari kuita basa rekuverenga vanhu pasi
pechirongwa cheZIMSTAT cheCensus muMasvingo vari kuchema-chema kuti vari kukanganiswa basa ravo nemvura iyo iri kunaya isiri kumira, vachiti zviri
kuvatadzisa kusvika mune dzimwe nzvimbo kuti vaite basa ravo.

Vaverengi vataura neStudio 7 muMasvingo vari kuti mvura iri kupurana
chaizvo mudunhu iri izvo zviri kuita kuti vatadze kubuda panze vachifamba kuti
vapinde mumisha yevanhu vavanoverenga.

Mvura iyi, iyo yave nesvondo mbiri ichinaya mudunhu iri iri
kuzadzawo nzizi izvo zviri kuita kuti vari kuverenga vanhu ava, kunyanya vari kushandira kumaruwa, vatadze kuyambuka nzizi kuti vasvike kune dzimwe nzvimbo.

Mumwe wevanoverenga vanhu ataura akamirira vamwe vake asi aramba
kudomwa nezita rake achityira basa rake, anoti kuvhiringwa kwavari kuitwa
nemvura kunogona kuti vatadze kupedza basa muzuva rakatarwa
nehurumende.

Vamwewo vataura neStudio 7 vanoti bazi reZimbabwe National Statistics
Agency(ZIMSTAT) iro riri kuita chirongwa ichi rakange risina
kugadzirira dambudziko remvura nekuvapa zvikwanisiro zvekushandisa
mumamiriro ekunze akadai.

Mumwe muverengi ada kuzivikanwa nerekuti Bla Gidza chete ati iye
pamusoro penyaya dzemvura vari kutarisana nedambudziko rekushaya moto
wakakwana wemafoni nema iPad zvavakapiwa neZIMSTAT kuti vashandise sezvo kumaruwa kusina nzvimbo dzekuchajisa zvinhu izvi.

Vazhinji vanoti nekuda kwedambudziko remoto iri, vari kuita
dzimba shoma pazuva izvo zvinogona kuita kuti vasapedza misha
yavakapuwa.

Vaverengi vazhinji vakapiwa chipimo chekuita dzimba dzinotangira
pazana kusvika pazana nemakumi matatu kubva patanga chirongwa ichi
musi weMuvhuro kusvika pachinopera musi wa30 Kubvumbi.
Pazuva vanoverenga vanotarisirwa kupedza misha inosvika gumi nemitanhatu kumaruwa.

Mutauriri wechirongwa chekuverengwa kwevanhu muMasvingo, VaRodgers
Irimayi, vati chirongwa ichi chiri kufamba zvakanaka kunyangwe vamwe
vari kusanana nematambudziko emvura mumaruwa.

Asi vari kuverenga vanhu vanoti zvekufambisa zvakaita semotokari kune dzimwe nzvimbo hakuna nekudaro basa riri kuvhiringwa zvakanyanya.

Vachitaura nevatori venhau musi weMuvhuro kumuzinda weState House
mushure mekuverengwa kwemhuri yemutungamiriri wenyika VaEmmerson
Mnangagwa, mukuru weZimstat, VaTaguma Mahonde vakati kuverengwa
kwevanhu kwakakosha kuti hurumende izive huwandu hwevanhu vari munyika
apo vanenge vachiita zvirongwa zvebudiriro.

Chirongwa chekuverenga vanhu munyika chinoitwa mushure memakore gumi oga oga.

Mune imwewo nyaya, bato reZanu PF muMasvingo rambomisa nhengo dzaro
kuita zvirongwa zvekutsvaga rutsigiro rwezvigaro zvekumirira bato
musarudzo dzegore rinouya richiti vakuru vebato iri havasati vavapa
mvumo.

Vachitaura neStudio 7, Sachigaro veZanu PF muMasvingo , VaRobson
Mavhenyengwa, vati vari kutsvaga rutsigiro vanofanira kumirira mvumo
kubva kuvatungamiriri kuHarare sezvo izvi zvange zvave kupatsanura
vatsigiri.

Nhengo dzeZanu PF dzakawanda dziri kutosvorona mudunhu reMasvingo apo
dzatotanga kupinda muvatsigiri dzichiita zvirongwa zvekutsvaga
rutsigiro kuti dzimirire bato musarudzo dzevamiriri veparamende
nemakanzuru.

Nyaya ina Godfrey Mutimba
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG