Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau Kubvumbi 22, 2022


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Bato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change rinonyunyuta nedanho rakaziviswa negurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaJuly Moyo, rekurambidza makanzura achangobva kusarudzwa kuti vange vachitungamira makomiti kana kuve mameya.

Vashandi vehurumende vari kuita basa rekuverenga vanhu pasi
pechirongwa cheZIMSTAT che Census muMasvingo vochema-chema kuti vari kukanganiswa basa ravo nemvura iyo iri kunaya isiri kumira, vachiti zviri
kuvatadzisa kusvika mune dzimwe nzvimbo kuti vaite basa ravo.

Vaimbove mutungamiri weKenya, VaMwai Kibaki vanoshaya vave nemakore makumi mapfumbamwe ekuberekwa.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvakabatsirwa nehurumende kudzoka kumusha zvichitevera hondo iri pakati peUkraine neRussia zvotarisana nenguva yakaoma munyika sezvo zvisati zvaziva kuti zvichakwanisa kuenderera mberi nezvidzidzo zvazvo zviri munyika here kana kuti kwete.

Sangano renhabvu pasi rose reFIFA rayambira gungano reZIFA Assembly kuti harisi kuzotambira zvichabuda pamusangano wavo mangwana kusvikira Zimbabwe yazadzisa chisungo chekuti idzore VaFelton Kamambo pabasa semutungamiri weZiIFA.

Pasi rose rinocherechedza zuva rekutsigira kuchengetedzwa kwezvakatikomberedza, reWORLD EARTH DAY.

Varimi ava, avo vakapihwa minda pasi pechirongwa chehurumende chekuwanisa ivhu kuruzhinji rwevanhu vanoti nguva dzakawanda vave kuwana minda yavo yavakucherwa nevanhu vanochera zvicherwa vasina mvumo kana kuti makorokoza, avo vanenge vachitsvaga goridhe.

Muchirongwa cheLivetalk na 8pm nhasi tiri kutarisa nezvechirongwa chekuverengwa kwevanhu chiri kukokerwa nezimstat pamwe nekukwira kwemutengo wechingwa

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai whatsapp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Shortwave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG