Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinodzidza zviri kuUkraine zvakabatsirwa nehurumende kudzoka kumusha zvichitiza hondo iri pakati penyika iyi neRussia zvinoti zvakatarisana nenguva yakaoma munyika sezvo zvisati zvaziva kuti zvichakwanisa kuenderera mberi nezvidzidzo zvazvo zviri munyika here kana kuti kwetesezvo hondo iyi iri kuenderera mberi.
Mumwe wevadzidzi ava, VaPhillimone Chizororo vanoti bhutsu dzavo dzapera vachienda kumahofisi egurukota rezvedzidzo yepamusoro vachida kunzwa kuti vangaenderera mberi nezvidzidzo zvavo vari munyika here.
Vanoti pari zvino vari kungoverenga mumapepanhau emunyika kuti hurumende inoti ichabatsira asi pavanoenda kumahofisi hapana mhinduro yakati tsvikiti yavari kuwana.
VaChizororo vange vave kusvika kumagumo kwezvidzidzo zvavo zvekuva chiremba asi pari zvino vari kuti vave kushaya hope kuti vachakwanisa kupedza here zvidzidzo izvi.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende munyaya iyi sezvo nhare dzavo dzange dzisingadavirwe.
"Tiri kukumbira hurumende kuti itinzwewo nekuti zvinhu zviri kutiomera uye tinoda kuenderera mberi nezvidzidzo zvedu pazvikoro zvepamusorosoro munyika sezvo vazhinji vedu vange vave pedyo nekupedza pakatanga hondo yemuUkraine iyo ichiri kuenderera mberi," VaChizororo vaudza Studio7.
Facebook Forum