Accessibility links

Breaking News

Kuverengwa kweVanhu muNyika Kwotanga neMhuri yaVaMnangagwa


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemudzimai wavo Amai Auxilia Mnangagwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemudzimai wavo Amai Auxilia Mnangagwa

Chirongwa chekuverengwa kwevanhu munyika kana kuti Population Census chatanga neMuvhuro apo pakaverengwa mhuri yemutungamiri wenyika vaEmmerson Mnangagwa kuState House

Vachitaura nevatori venhau nhasi kumuzinda weState House mushure mekuverengwa kwemhuri yaVaMnangagwa, mukuru we Zimbabwe Statistical Agency, VaTaguma Mahonde vakati kuverengwa kwevanhu kwakakosha kuti hurumende izive huwandu hwevanhu vari munyika apo vanenge vachiita hurongwa hwebudiriro.

VaMahonde vakurudzira veruzhinji kuti vagashire varikufamba vachiverenga vanhu ava.

Vachitaurawo neStudio 7, nyanzvi munezvesarudzo vachishanda nesangano reElection Resource Center, VaSolomon Bosibunu vatsinhirawo izvi vakatiwo kuverengwa kwevanhu kunobatsirawo pakuzoganhurwa kwematunhu panguva yesarudzo apo panenge pozivikanwa huwandu hwevanhu varimu nzvimbo.

Izvi zvatsigirwawo nenyanzvi munyaya dzebudiriro dzematunhu VaJoy Mabenge Mumwe mugari wemuHarare, Muzvare Pamela Chisi vatiwo kuverengwa kwevanhu uku kwakashambadziwa uye vange vachiziva kuti zviri kutanga nhasi

Asi vamwe vari kuverenga vanhau ava vasina kuda kudomwa nemazita vaudza Studio 7 kuti vakavimbiswa kubhadharwa nemari yemuno munyika asi havana kudura kuti marii pazuva.

Vatiwo havana kupiwa mapepa anoratidza kuti vaverengi ( Identity documents) asi dzimwe hembe dzavo dzakanyorwa. Chirongwa chekuverenga vanhu ichi chirikurarisirwa kupera musi wa30 Kubvumbi. Chirongwa ichi chiri kuitawo mutauro mushure mekunge hurumende yapawo basa rekuverenga vanhu mauto, vasori, mapurisa nevechidiki vebato reZanu-PF.

Vakafanobata chigaro chegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaMangaliso Ndlovu vakatenda kuti painge paine vekudzivirirwa kwenyika pavakataura nevatori venhau asi vakati vanoendeswa kunzvimbo dzemauto nemapurisa dzisingakwanise kusvikwa neruzhinji.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG