Accessibility links

Breaking News

Sangano reZim Family USA Robatanidza neKubatsira Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri muAmerica neKumusha


Mufundisi Chaka Ngwenya
Mufundisi Chaka Ngwenya

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvakabatana gore rapera zvakaumba sangano reZim Family USA, iro rakanangana nekubatsira vana veZimbabwe vari muno muAmerica pamwe nevari kumusha.

Mumwe wevakavamba sangano iri, Mufundisi Chaka Ngwenya, avo vari muNew York, vanoti kubva paraumbwa gore rapera sangano ravo rave nenhengo dzinodarika mazana mashanu uye hapana mari dzinobhadharwa kuti munhu ave nhengo, vachitiwo havaiti zvematongerwo enyika.

Mufundisi Ngwenya vanoti sangano reZim Family USA rakwanisa kubatanidza zvizvarwa zveZimbabwe zviri mumatunhu akasiyanasiyana ari muAmerica kuti zvirovane masoro pamwe nekubatsirana mukusimudzirana pamwe nekusimudzira nzvimbo dzazvinobva kumusha.

Vanoti pari zvino vari kuita zvirongwa zvakasiyanasiyana muAmerica pamwe nekumusha, uko vari kutenga mibhedha yekuisa mune chimwe chipatara chavanoti varwere vari kurara pasi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG