Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau dzanhasi, Chitatu, Kubvumbi 20, 2022


Nhau DzeShona Studio7

Dare raMejasitiriti maMutare nhasi ramisa hurongwa hwekuda kuvigwa kwevaimbove mutungamiriri wechechi yeJohane Marange Apostolic, VaNoah Taguta Momberume parutivi pevakavamba sangano iri, VaJohane Muchabaya Momberume.

Sangano reZimbawe Exiles Forum rokurudzira kuti SADC neAfrican Union dzipindire pakugadzirisa kurwiswa kwoitwa zvimwe zvizvarwa zvenyika dzemuAfrica zvirimu South Africa.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi inoti Zimbabwe ndiyo yave nyika iri kukwira mitengo yezvinhu zvakanyanyisa kudarika nyika dzose dzepasi rino.

Varimi vakawanda voshushikana nemvura yoramba ichinaya yokanganisa zvirimwa zvave kufanira kunge zvichikohwewa zvichawedzera dambudziko rekushomeka kwechikafu munyika.

Muchirongwa cheDiaspora Forum na 8 pm nhasi, tiri kutaura nezvizvarwa zveZimbabwe.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG