Accessibility links

Breaking News

Vari kuMahombekombe kweLake Mutirikwi kuMasvingo Voyambirwa Kuti Vanogona Kuyeredzwa neMvura Yoda Kufashukira


Vagari vekumaruwa ari kuzasi kwedhamu guru reLake Mutirikwi, muMasvingo, vari kugara vakabatira hana mumaoko zvichitevera mashoko ekuyambira kuti dhamu iri ringangopfachukira mvura koita mafashamu sezvo rave pedyo nekuzarisa nemvura yavenenguva yakareba ichinaya mudunhu.

Bazi rinona nezve mvura dziri mumadhamhu nenzizi munyika reZimbabwe National Water Authtority(ZINWA), mumashoko aro kuvatori venhanu rakazivisa vagari nezuro kuti dhamu ringangozara zvekupfachukira nemvura yave nesvondo ichinaya mudhunhu reMasvingo.

ZINWA yakayambira vagari vanogara kuzasi nekumahombekombe kuti vagare vakangwarira nekuchengetedza hupenyu hwavo sezvo dhamu richinzi rasara nemaawa makumi manomwe nematanhatu kuti rizarise kubva pazvikamu makumi mapfumbamwe nemasere kubva muzana arasvika.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko kuZINWA, Muzvare Marjorie Munyonga, vati bazi ravo pamwe nehurumende vari kuita chirongwa chekuchenjedza vagari munzvimbo idzi.

Vagari vari munzvimbo idzi vanoti vanonamatira kuti mvura isarambe ichinayisa kuitira kuti dhamu risaite mafashamu nekuti vanotyira hupenyu hwavo pamwe nekurasikirwa nezvipfuwo nemidziyo yavo.

Mumwe wevagari av, VaThomas Madimbe, vekwaMurinye, vanoti vanotyira kurasikira nezvakawanda kana mafashamu aya akaitika sezvo vachigara pedyo nerwizi rweMtirikwi rwunobuda mudhamu.

Mumwewo mugari wekuTopora, VaMunyaradzi Magomana, vati vanotyira kuti pakaita mafashamu vanogona kutadza kuzowana rubatsiro kubva kuhurumende sezvinogara zvichitika kana njodzi dzakadai dzaitika munyika.

Asi mukuru wezve bazi rehurumende, reCivil Protection Unit(CPU), rinobatsira vanhu munjodzi, muMasvingo, Dr Jefter Sakupwanya, vati hurumende yakagadzirira kubatsira vanenge vapinda munjondzi.

.Asi vamwe vagari vanoti vanotya kuti vakarasikirwa nemidziyo yavo yakaita sedzimba, kana mapipe ekudiridzisa pamwe nemichina inopomba mvura mudhamu nemurwizi reMtirikwi zvinozonetsa kudzoserwa nehurumende.

Vamwe vagari kuMasvingo South neKwaChivi vakambosangana nedambudziko remafashamu kuDhamu reTugwi Mukosi makore mashoma apfuura vanoti zvinonetsa kuzowana zvikwanisiro zvese kana zvichinge zvaparadzwa nekuti hurumende inonoka kuzobhadhara.

Dunhu reMasvingo rave nenguva inodarika svondo richinaya mvura yakawanda izvo zviri kuita kuti madhamu mazhinji azare.

Mvura iri kunaya iyi yauya apo zvirimwa muminda zvakatsva nezuva sezvo yakamborambira mudenga kwenguva yakareba.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG