Accessibility links

Breaking News

Vanoona neZveKufambiswa kweMari yeHurumende Amai Chiri Vokurudzira Kubatwa Zvakanaka kweMari dzeMitero


Amai Mildred Chiri vanoona nezvekufambiswa kwemari dzehurumende
Amai Mildred Chiri vanoona nezvekufambiswa kwemari dzehurumende

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemari dzehurumende kana kuti Auditor-General, Amai Mildred Chiri, vanoti hupenyu hwevanhu munyika hunogona kusimuka kana mapazi ehurumene, makambani ayo pamwe nemakanzuru akatevedzera zvavanokururudzira kuti zviitwe mushure mekuongorora mashandisirwe anotwa mari yehurumende.

Muhurukuro neStudio 7 Amai Chiri vanoti ongororo dzavanoita pamashandisiro avanoita dzinogona kubatsira chete kana mapazi ehurumende, makambani ayo pamwe nemakanzuro akatevedza gwara rakanaka rekushandisa mari dzehurumende.

Vanoti chinangwa chavo pavanotaura nezvekusafambiswa zvakanaka kwemari, vanenge vachida kuti zvigadziriswe kuti vanhu vabatsirikane.

Ongororo dzinoitwa nemahofisi avo kusanganisira ichangobva kuitwa ya2020, inoratidza kuti mari hadzisi kushandiswa zviri pamutemo, dzimwe hadzizivikanwe kuti dzakasashandiswa sei.

Semuenzaniso muna 2020 bazi rezvemati rinonzi rakapa mapazi ehurumende mari dzinodarika zana remabhiriyoni emunyika kana kuti 100 billion Zimbabwe Dollars pasina mvumo yedare reparamende sezvinokurudzirwa.

Kanzuru yeHarare yakatadza kutsanangura kuti mari inodarika miriyoni yemadhora ekuAmerica yakawanikwa pakutengeswa kwenzvimbo dzekuvakira yakashandiswa sei. Gore rimwe chetero Auditor General vakaburitswa gwaro rairatidza kuti mari inodarika miyoni yemadhora ekuAmerica iyo yaifanira kupihwa vanotambura, vakaremera pamwe nemhuri dzinotumgamirwa nevana panguva yeCovid-19 dzakapihwa vanhu vasingakodzeri kana vasingazivikamwe nebazi rezvemagariro evanhu.

Amai Chiri vanoti zvinoita kuti veruzhinji varasikirwe sezvo variivo vanofanira kubatsirikana nemari idzi.

Vanotiwo kunyange hazvo zvichitora nguva kuti mapazi ehurumende, makambani ayo nemakanzuru agadzirise zvinhu, vanofara kuti pari zvino pane mamwe mapazi nemakambani ave kugadzirisa zvinhu.

Vaenderera mberi vachiti, vari kushandandawo neZimbabwe Anti-Corruption Commission (ZACC) nekomiti yeparamende inoona nezvemashandisirwo emari dzehurumende kuona kuti nyaya dzehuwori nekusashandiswa kwemari dzehurumende zvakanaka dzakagadziriswa.

ZACC ndeimwewo yakanzi nehofisi yawo haisi kushandisa mari zvakanaka uye yakabvuma mhosva yavo ikati iri kugadzirisa nyaya iyi. Mapurisa nebazi rezvemari anonziwo haana kufambisa mari zvakanaka nehofisi yaAmai Chiri.

Amai Chiri vanotiwo zvakakosha kuti veruzhinji vazive kuti mari dzavo dzemitero kuhurumende, kana kuti maPublic Funds dzinonoshandiswa sei nekudaro vave kudhinda gwaro nemitauro yemuno vachitanga neChishona neNdebele vozoenda kune mimwe mitauro.

Vatiwo ishuviro yavo kuti dai vawedzerwa mari kuti vakwanisa kuvhura mahofisi mune mamwe matunhu munyika kuti vakwanise kuita basa ravo zvakanaka.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi, VaMasimba Manyanya, vaudza Studio 7 kuti ichokwadi kuti nyika inorasikirwa nemari yakawanda inofanira kubatsira veruzhinji nekuti hapana chido chekugadzirirsa nyaya dzehuwori kubva kuvatungamiriri venyika ino.

Kunyange hazvo Amai Chiri vasina kukwanisa kutaura kuti imarii inorasikrwa nenyika nekuda kwekuda kwehuwori kana kusafambiswa zvakanaka kwemari, Transparency International inoti Zimbabwe inorasikirwa nemari inosvika bhiriyoni remadhora ekuAmerice gore rega rega nekuda kwehuwori.

Hofisi yaAuditor-General, inosungirwa nemutemo kuongorora mashandisirwo anoitwa mari nemapazi ehurumende, makambani ayo makomisheni nemakanzuru uye kuti iture gwaro rezvainenge yawana nezvinofanira kuitwa kuparamende.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG