Accessibility links

Breaking News

Kukwira kweMari Yave Kudiwa neMhuri Ine Vanhu Vatanhatu paMwedzi Kwopomerwa kuInflation neHondo yeRussia neUkraine


Mitengo yezvinhu inonzi yakakwira zvakanyanya mumwedzi waKurume zvakasiya mhuri ine vanhu vatanhatu yave kuda ZWL$92 192.89 pamwedzi.
Mitengo yezvinhu inonzi yakakwira zvakanyanya mumwedzi waKurume zvakasiya mhuri ine vanhu vatanhatu yave kuda ZWL$92 192.89 pamwedzi.

Veruzhinji vanonzi vacharamba vachinonga svosve nemuromo zvichitevera kukwira kuri kuramba kuchiita mitengo yezvinhu panguva iyo mihoro yevashandi iri kuita sembudzi inofura payakasungirirwa isina kwainoenda.

Gwaro rakaburitswa nesangano reConsumer Council of Zimbabwe rinoratidza kuti mhuri ine vanhu vatanhatu yave kuda mari inoita madhora emunyika zviuru makumi mapfumbamwe nezviviri zvine zana nemakumi mapfumbamwe nemaviri kana kuti ZWL$92 192.89 pamwedzi kuti ikwanise kurarama.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti kukwira kuri kuramba kuchiita mitengo yezvinhu, kana kuti inflation, kuri kuwedzerwawo nehondo yekuRussia, zvimwechete nezvakaonekwawo neConsumer Council of Zimbabwe mugwaro rayo.

Munyori mukuru werimwe sangano rinomirira vashandi, reZimbabwe Federation of Trade Unions, ZFTU, VaKennias Shamuyarira vanoti kurarama kuri kuita vashandi dzatongove nyasha nekuti mari dzavari kutambiriswa hadzina zvadzichatenga.

Munyori mukuru we ZCTU, Vajaphet Moyo vanotiwo vagara vaine kakuwirirana nemagwaro anoburitswa neConsumer Council of Zimbabwe neZimstat, vachiti zvinotonetsa kuti mhuri ine vanhu vatanhatu irarame zvakanaka nemari iri kutaurwa iyi.

Asi chii chiri kukonzeresa kukwira kwemitengo yezvinhu zvakanyanya kudai? Consumer Council of Zimbabwe inoti dambudziko iri riri kuwedzerwawo nehondo iri pakati peRussia ne Ukraine, iyo yakaona mitengo yezvinhu zvakaita semafuta edzimotokari negorosi zvichikwira pasi rose.

Vemabhizimusi vanonziwo vari kutara mitengo yavo vachishandisa mutengo wemari yekuAmerica wepamusika mutema.

Asi mutungamiri we Confederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu vanoti kukwira kwemitengo yezvinhu zvinodiwa nemhuri pamwedzi kuri kukonzerwa nekusaterama kwe inflation uyewo kumhanya kuri kuita mutengo wemari yekunze pamusika mutema.

Imwe Nyanzvi mune zvehupfumi, Muzvinafundo Gift Mugano vanotiwo dambudziko nderekuti vanotara mitemo munyika vari kuramba chokwadi chemamiriro akaita zvinhu mune zvehupfumi.

Saka zvingagadziriswa sei izvi? VaShamuyarira vanoti panotofanirwa kuonekwa kuti mitengo yezvinhu zvose munyika yatarwa iri mumadhora emunyika.

VaChitambara vanotiwo chinofanirwa kugadziriswa munyika kumiswa kwekukwira kwemitengo yezvinhu kusina tsarukano.

Consumer Council of Zimbabwe inoti zvinhu zvakanyanya kukwira mitengo zvinosanganisira pekugara, apo panonzi pakakwira nezvikamu makumi mashanu kubva muzana, zvehutano zvakakwirawo nezvikamu makumi mashanu kubva muzana, zvekufambisa zvakakwirawo nezvikamu makumi maviri nezvishanu kubva muzana shuga pamwe chingwa.

Kunze kwekunge vashandi vawaniswa mihoro inovagutsa, mhuri dzakawanda dzicharamba dzichinhonga svosve nemuromo, sezvo mitengo yezvinhu icharamba huchikwira.

Vashandi vakawanda vanonzi vari kutambira mari dziri pakati pezviuru makumi maviri nezvisere zvemadhora emunyika nezviuru makumi matatu nezvishanu pamwedzi, zvichireva kuti vari pasi pasi kwazvo nemari yave kudiwa nemhuri ine vanhu vatanhatu iyi inove ZWL$92 192. 89.

Mari iyi inenge iri madhora mazana maviri nemakumi mashanu nematanhatu, (US$256.00) emari yekuAmerica kana pashandiswa musika mutema, kana kuti madhora mazana matanhatu nemakumi matatu nemashanu (US$635.00) kana pashandiswa mutengo wekumabhanga.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG