Accessibility links

Breaking News

Vari Kupomerwa Mhosva yeKuponda VaElvis Nyathi Vomiswa Pamberi peDare


Nzvimbo yakaponderwa nekupiswa mushakabvu Elvis Nyathi kuDiepsloot. South Africa
Nzvimbo yakaponderwa nekupiswa mushakabvu Elvis Nyathi kuDiepsloot. South Africa

Kunyangwe mapurisa akasunga vanhu gumi nevana nezuro vari kupomerwa mhiosva yekuponda chizvarwa chezimbabwe vaelvis nyathi kuDiepsloot, Johannesburg, vanome vavo chete ndivo vamiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva dzakawanda dzinosanganisira, kuponda, kupamba uye kuita kafiramberi.

Vanomwe ava havana kupihwa mukana wekubvisa mari yechibatiro asi vanzi vadzoke kudare nemagweta avo nemusi weChishanu.

Magwaro ari kumatare anotiwo vamwe vacho vakayedza kuda kumanikidza mushakabvu kuti avape mari inosvika marands mazana matatu apo vakavabata vachangobva kubasa vasati vavaponda.

Mumwe mukuru musangano rinomirira zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa reZimbabwe Exiles Forum Amai Diana Zimbudzana vaudza Studio 7 kuti vari kufara nekusungwa kwevanhu vachiti zvakakosha kuti vanhu vatevedzere mutemo.

Dudula

Asi zvinhu munyika iyi hazvina kugadzikana sezvo mapurisa audza nhepfenyuro yeSABC news kuti mumwe munhu akapfurwa akafa nezuro apo chikwata chiri kuzviti Operation Dudula chisiri kuda kuti zvizvarwa zvedzimwe nyika dzemuAfrica zvishande munyika iyi chinonzi chakanetsana nevanhu vainzi vaiba tambo dzemagetsi.

Nhengo dzeDudula dzinonzi dzaienda kunoratidzira paChicken Farm panogara vanhu muzvitangwena pakazoridziranwa pfuti.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG