Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Votatarika Kuwanira Vana Vavo Magwaro ekuZvarwa


Vanhu vakawanda mudunhu reMashonaland West vari kutadza kutora magwaro ekuzvarwa kana kuti birth certificates pamwe nezvitupa muchirongwa chehurumende chekufambira vanhu kuti vatore magwaro aya zvirinyore.

Mumwe mugari wekuRujeko muChinhoyi Amai Tsitsi Mutukura avo vakarambwa nemurume vanoti havana mari yekuenda kumusha kwemurume uyu kuNyanga kwavakasunungukira kunotora magwaro anoratidza kwavakaberekera vana vavo.

Iri idambudziko rine vanhu vakawanda vari kutadza kutora magwaro aya sezvo vari kunzi vauye nemamwe magwaro akaita semagwaro anoratidza kuti munhu akaberekerwa kupi uye riinhi kana kuti birth records.

Magwaro aya anopihwa kumakiriniki kana kuzvipatara kunenge kwaberekerwa munhu. Kune vanenge vaberekerwa mudzimba, panokurudzirwa kuti vauye netsamba yakanyorwa naSabhuku kana kanzura wenzvimbo. Asi vamwe vanoti zviri kunetsa kuwana magwaro aya.

Hurumende kuburikidza nebazi rinopa magwaro ekuzvarwa, zvitupa pamwe nemapasipoti kana kuti Registrar-General iri kuenda munzvimbo dzakawanda ichitoresa magwaro aya senzira yekurerutsira vanhu kuti vasafambe nzendo refu kunotora magwaro akakosha aya kunayngwe zvave pachena kuti pava nematambudziko zvekare.

Asi vakawanda vari kukubdikana kuwana magwaro aya zvapa kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnanggwa vati hurumende yave kubvisa mari dzinobhadharwa uye zvimwe zvimhingamupinyi. VaMnganagwa vaneg vachitaura pamhemberero dzekuwana kuzvitonga kuzere kuBulawayo.

Mumwe ari kutatarika kuwana gwaro iri ndi Ambuya Jacqueline Muzondo vanotiwo vatadza kutora magwaro ekuzvarwa evazukuru vavo vaviri vachinzi ngavauye nechitupa chaamai vevana ava, avo vanorti vakaenda kunyika yeSouth Africa makore mashanu apfuura.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano rinoona nezvekodzero dzemwanasikana reShamwari Yemwanasikana, Muzvare Getrude Chifamba vanoti vanofara nechirongwa chehurumende asi vanoti havasi kufara nezvinhu zvakawanda zviri kudiwa kuti mwana apihwe gwaro rekuzvarwa.

Gweta guru munyaya dzekodzero dzevana richishanda neChildren and the Law, Muzvare Chinga Govhati vanoti kurambirwa kuri kuitwa vanhu kuti vatore magwaro ekuzvarwa nezvikonzero zvekushaya magwaro anopihwa panozvarwa mwana kukirikiki kana kushaikwa kwemagwaro ana amai vavo hakusi pamutemo vachiti kutyora kodzero dzevana.

Muzvare Govhati vanoti pamutemo registrar-general ane kodzero yekupa mwana gwaro rekuzvarwa asina mamwe magwaro sezvo dare repamusoro kana kuti High Court richitorwa semubereki mukuru wekutanga wemwana.

Kunyange hazvo gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vakataura muparamende svondo rapera kuti vana vasina mamwe magwaro vapihwe magwaro ekuzvarwa izvi hazvisi kuitika.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumukuru mubazi rezvekupihwa kwemagwaro nezvitupa mudunhu reMashonaland West, Amai Chenai Chikerema sezvo vanga vasingadaviri mbozhanhare yavo.

Vanhu vari kudawo kutora zvitupa kuti vakwanise kunyoresa kuvhota vari kunzi vaende kumahofisi anotorwa zvitupa muChinhoyi sezvo vari kufambira vanhu ava vanenge vasina michina yekutora mifananidzo inoiswa pazvitupa.

Chirongwa chekupa vanhu magwaro ekuzvarwa nezvitupa chakatanga musi wa1 Kubvumbi uye chichapera musi wa30 Gunyana.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG