Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVatendi veZCC Vafa Munjodzi yeBhazi Svondo Rapera Hwosvika paMakumi Matatu neVasere (38)


Assistant Commissioner Paul Nyathi
Assistant Commissioner Paul Nyathi

Mapurisa azivisa nhasi kuburikidza nedandemutande reTwitter kuti huwandu hwevanhu vakafa munjodzi yebhazi rainge rakatakura vatendi vekereke yeZion Christian Church pamugwagwa weJopa-Skyline kuChimanimani hwasvika pamakumi matatu nevasere. Tsaona iyi yakaitika nemusi weChina manheru vatendi ava vachienda kumuzinda wekereke yavo kuZCC Mbungu kuMasvingo.

Mazita evanhu vakashaya munjodzi iyi anzi achaburitswa chero nguva kana ongororo iri kuitwa yapera uye hama dzavo dzaziviswa.

Mapurisa anotiwo vamwe vanhu vaviri vafa mangwanani anhasi mumugwagwa weBulawayo-Victoria Falls apo bhazi rekwaStalion raita njodzi nerori nenguva dza2 mangwanani.

Kufa kwevanhu pazororo reEaster uku kuri kunetsa zvikuru sangano rePassengers Association of Zimbabwe. Vanokokera mabasa musangano iri VaTafadza Goliati. Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti vachazivisa nemusi weChipiri nezvetsaona dzose dzakaitika pazororo reEaster.

Mapurisa atiwo chero nguva vachaburitsa mazita evanhu vakashaya munjodzi iyi. Vanokokera mabasa musangano rePassengers Association of Zimbabwe VaTafadzwa Goliati vati vari kushushikana zvikuru nenjodzi idzi dzavati dziri kukunzerwa nevatyairi, migwagwa isina kumira zvakanaka uye motokari dzisingafanire kunge dziri pamugwagwa nekuda kwekusava nezvinotarisirwa kuti dzisaite njodzi.

Hurukuro naVaTafadzwa Goliati
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG