Accessibility links

Breaking News

Pope Francis Voyambira Kuti Hondo Dzave Kuitika Dzinogona Kupa Kuti Vamwe Vazoshandisa Zvombo zveNuclear


Pope Francis
Pope Francis

Pope Francis vekereke yeRoma nhasi pazuva reEaster Sunday vati vari kushushikana zvikuru nehondo yavati haina maturo ose iri kuUkraine iyo iri kurwiswa neRussia.

Vayambirawo kuti panogona kutanga hondo yezvombo zvinoparadza zvenuclear nekuda kwekunetsana uku.

Vachitaura pamuzinda wavo weSt Peters Square kuVatican, Pope vati vari kunamatira kuti kuUkraine nedzimwe nyika dzine hondo dziri kuMiddle East dzakaita se Lebanon, Yemen, Syria ne Iraq pamwe neLibya.

KuLondon, Archbishop of Canterbury VaJustin Welby vakurudzirawo Russia kuti imise hondo kuUkraine.

Mukuru wekereke yeAnglican uyu ati nguva yeEaster inguva yerunyararo kwete kudeura ropa.

Archbishop Welby vashorawo danho reBritain rekuendesa vanhu vanenge vachitsvaga hupoteri munyika iyi kuRwanda vachiti hazvifambirane neshoko raMwari.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG