Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zvofungidzirwa Kuti Zviri paVanhu Vakafa muMafashamu eMvura kuKwaZulu-Natal, South Africa


Dzimba dzakaparadzwa nemafashamu kuKwaZulu-Natal. Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinofungidzirwa kuti zvakashayawo mutsaona iyi.
Dzimba dzakaparadzwa nemafashamu kuKwaZulu-Natal. Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinofungidzirwa kuti zvakashayawo mutsaona iyi.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinodarika makumi maviri zvinofungidzirwa kuti zvinogona kunge zvakashaya mutsaona yemafashamu iri kuitika mudunhu reKwaZulu-Natal, muSouth Africa.

Mvura yakasimba ine mafashamu iyi inonzi yauraya vanhu vanodarika mazana matatu nemakumi mana (340) mudunhu rekumabvazuva kweSouth Africa iri pamwe nemuguta reDurban.

Huwandu uhwu hunotarisirwa kukwira sezvo vanhu vakawanda vachiri kushaikwa.

Izvi zviri kuuya panguva iyo nyanzvi dzezvemamiriro ekunze dziri kuti mvura yakawanda ine mhepo iri kutarisirwa kurova dunhu iri mumazuva ari kuuya.

Mvura iri kuramba ichinaya iyi inonzi yaparadza dzimba, kuputsa zvivakwa pamwe nekusakadza migwagwa.

Chizvarwa cheZimbabwe chiri muSouth Africa vari mudzidzi paTswane University of Technology, Muzvinafundo Ricky Munyaradzi MUkonza, vanoti mashoko avari kutambira anoraitdza kuti kunogona kunge kuine zvizvarwa zveZimbabwe zvinodarika makumi maviri zvinogona kunge zvakashaya mutsaona iyi.

Muzvinafundo Mukonza vanotiwo masangano anomirira vana veZimbabwe akasiyanasiyana pamwe nemamwe makereke ari kubatsirawo nezvakasiyanasiyana kumhuri dzakawirwa netsaona iyi.

Vanotiwo vane vepedyo vavanoziva vari kuti vane vanhu vana vavanotoziva vakashaya mutsaona iyi.

Hurukuro naMuzvinafundo Munyaradzi Ricky Mukonza
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG