Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anomboedza Kurambidza Vagari vemuHarare East Kubvisa Marara paKamfinsa Nekuti Vaive Vakapfeka Mbatya dzeYellow


Mumiriri weHarare East, VaTendai Biti.
Mumiriri weHarare East, VaTendai Biti.

Mapurisa anonzi nemusi weChina akamboedza kumisa mumiriri weHarare East muparamende VaTendai Biti pamwe nevamwe vagari vemudunhu ravo vaibvisa marara panzvimbo yemabhizimusi yeKamfinsa iri kuWard 9 muHarare East, achiti vakanga vakapfeka nhumbi dzine ruvara rwe yellow, rwunove ruvara rwebato re Citizens’ Coalition for Change.

Vachitsanangurira Studio 7 zvakatora nzvimbo, VaBiti vanoti ivo nevamwe vagari vemudunhu ravo vakazvipira kubvisa marara pamwe nekubvisa ma poster akasiiwa akanamirwa mumidhuri nevanhu vakakwikwidza musarudzo dzema by-election dzichangobva kuitwa mushure mekuona kushata kwakanga kwaita paKamfinsa Shopping Centre.

Asi vanoti mushure mekunetsana nemapurisa nenyaya yekuti vamire kuita basa kana vakapfeka nhumbi dze yellow, vanhu vakanga vakapfeka nhumbi idzi vakazongobvisa kuitira kuti vaenderera mberi nebasa ravo.

VaBiti vanoti dzakanga dzisiri nhengo dzebato reCitizens' Coalition for Change chete dzakange dzakapfeka nhumbi dzebato pavanhu vaitakura marara nekutsvaira ava, asi kuti vemamwe mapato anosanganisira Zanu PF, MDC pamwe neLead vaivepo vakanga vakapfekawo ruvara rwemapato avo.

Studio 7 yakundikana kubata mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi kuti tinzwe divi remapurisa panyaya iyi.

Asi VaBiti vanoti neChipiri mushure mezororo reEaster vari kunyorera mapurisa tsamba vachivabvunza kuti vari kuzviwana kupi zvekurambidza vanhu kupfeka mavara avanoda.

Hurukuro naVaTendai Biti
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG