Accessibility links

Breaking News

Mumiriri weZimbabwe muSouth Africa, VaHamadziripi, Vanorambidzwa Kutaura paMunamato weKuonekana neMutumbi waVaElvis Nyathi muSouth Africa


Mumiriri weZimbabwe muSouth Africa, VaDavid Hamadziripi naVaVelempini Ndlovu, hama yemufi, VaElvis Nyathi.
Mumiriri weZimbabwe muSouth Africa, VaDavid Hamadziripi naVaVelempini Ndlovu, hama yemufi, VaElvis Nyathi.

Mumiriri weZimbabwe kuSouth Africa, VaDavid Hamadziripi, vakarambidzwa nemusi weChina nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe kutaura pamunamato wekuonekana nemutumbi wechizvarwa cheZimbabwe, VaElvis Nyathi, avo vakapondwa nezvizvarwa zveSouth Africa mumusha weDiepsloot uri muJohannesburg svondo rapera.

VaHamadziripi vakanga vabatana nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvakaungana paHilbrow Theatre kuti zvionekane nemutumbi waVaNyathi usati waendeswa kumusha uko unotarisirwa kunoradzikwa kuBulawayo neMugovera.

Zvinonzi vanhu vakadzinga VaHamadziripi pamunamato uyu vainyunyuta kuti hurumende ndiyo iri kukonzera kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvibude munyika zvichienda kuSouth Africa, uko kwazvave kushungurudzwa.

Izvi zvakaitika kunyange hazvo hurumende yakazivisa kuti ichabatsira pakuvigwa kwaVaNyathi.

Asi VaHamadziripi vanoti hurumende icharamba ichitsigira mhuri yaVaNyathi, kunyange hazvo ipakaitika zvakadai, vachiti chiitiko ichi chakanga chisingatarisirwi panguva yakadai yekunyaradzana.

Vanoti Zimbabwe haina mauto kana mapurisa muSouth Africa ekuti vangatuma kuti endai munotarisa vanhu vedu.

Mumiriri weZimbabwe uyu anotiwo pari zvino vane hurongwa havari kuita hwekubatsira vana veZimbabwe vanenge vazvipira zvavo kudzokera kumusha vachitiza matambudziko avari kutarisana nawo muSouth Africa.

Hurukuro naVaDavid Hamadziripi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG