Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeCCC Dzonzi neDare Hadzina Mhosva kuMasvingo Mushure Mekusungwa neMapurisa


Dare reMagistrate reMasvingo nemusi weChina rakarasa nyaya yanga ichipomerwa kanzura weward 4 webato reCitizens Coalition for Change pamwe nenhengo mbiri dzebato iri yekuita musangano wekutsvaga rutsigiro vasina kupuwa mvumo nemapurisa pasarudzo dzema by elections dzakaitwa mwedzi wapfuura.


Mutongi wedare VaFarai Gwitima, vachirasa nyaya iyi, vakati dare rakashaiwa humbowo hwekusungirira vaTabe, VaVingisayi Nerupandayi pamwe naAmai Magaret Chakabuda, avo vakasungwa muna Ndira vachipomerwa mhosva yekuita musangano wezvematongerwe enyika zvisiri pamutemo.

Gweta revatatu ava VaPhillip Shumba, vekwa Metendi, Mdisi and Shumbalegal Practitioners, vaudza Studuio 7 kuti dare raone nyaya iyi isina nematuro ose

VaTabe vakati vakatambira mutongo wedare nemufaro vachiti zvakabudisa pachena kuti mapurisa akavasunga ainge achiita zvisiri pamutemo.

VaTabe nevamwe vavo vakasungwa musi wa 17 Ndira apo vaiita musangano wekutsvaga rutsigiro musarudzo dzema kanzura muward 4 umo mavakozokunda pasarudzo dzakitwa musi wa 26Kurume.

Vachishandisa mutemo weMaintenance of Peace and Order, mapurisa munguva yesarudzo akasungawo nhengo dzeCCC dzinosanganisira VaElliot Mabeza kuBeitbridge, VaPaul Mudinhi, VaEdson Muzira naVaRegis Mhishi kuChegutu.

KuKadoma kwakasungwa VaNhamo Mazkaza naVaDennis Murombedzi nenyaya yekufamba vachitsvaga rutsigiro vachinzi vaiita ruzha rwusingabvumidzwe pasi pemutemo we Criminal Law (Codification and Reform) Act.

Nyaya Ina Godfrey Mtimba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG