Sangano reMISA-Zimbabwe nezuro rakatungamira musangano kuBulawayo wekuzeya mafambisirwo akaitwa nyaya dzesarudzo dzichangobva kuitwa dzema by-election nemasangano enhau.
Mukuru weMISA-Zimbabwe, VaTabani Moyo, vanoti hurukuro dzavo dzakanga dzakanangana nekuti kufambisa kwesarudzo nekufambiswa kwemashoko hazvipatsanurike.
Vanoti kana mutungamiri wenyika angoparura hurongwa hwesarudzo, mafambisirwo enhau anobva angoenda pasi peZimbabwe Electoral Commission, kwete pasi peZimbabwe Media Commission, nekudaro vaipana muono wemashandiro akaita nhepfenyuro yeZBC kuti yakapa mukana wakakura sei kune vaikwikwidza pakupakurwa kwemashoko.
Vanoti zvakaonekwa kuti nhepfenyuro iyi yaiwandira kubato rimwe chete, izvo zvisina kupa mamwe mapato mukana wekuzvishambadzawo panhepfenyuro yeveruzhinji iyi sezviri mubumbiro remitemo yenyika.
Asi VaMoyo vanoti ZBC inoti yakapakura zvakaenzana, asi kuti vamwe havana zvavo kushandisa mukana wavo.
Musangano uyu unonzi wakapindwawo nemunyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana pamwe nevamwe vashandi vebazi ravo.
Vamwe vanonzi vakapindawo musangano uyu vanosanganisira vamiriri veZBC, veZEC, veBroadcasting Authority of Zimbabwe, komiti yeparamende inoona nezvekufambiswa kwemashoko pamwe nemamwe mapoka ane chekuita nekufambiswa kwenhau.
Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kubazi rezvekuburitswa kwemashoko kanawo kubva kuZBC pamusoro pemusangano uyu.
Asi VaMangwana vakazivisa nezvekupinda kwavo mumusangano uyu kuburikidza nemashoko avakaisa padandemutande reTwitter.
Facebook Forum