Accessibility links

Breaking News

Mutumbi waVaElvis Nyathi Vakapondwa kuSouth Africa Woendeswa kuZimbabwe


bhokisi rine mutummbi waVaElvis Nyathi ku Johannesburg, South Africa.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvabatana nemhuri yaVaElvis Nyathi avo vakapondwa nekupiswa kuDiepsloot, Johannesburg nezvinofungidzirwa kuti zvizvarwa zveSouth Africa svondo rapera.

Kusvika parizvino hapana munhu ati asungwa nemhosva iyi. Vanhu vaungana muHillbrow, Johannesburg vachionekana nemutumbi wavo usati watakurwa kuenda kuBulawayo uko vari kutarisirwa kuradzikwa mukupera kwesvondo. VaNyathi vange vave nemakore makumi mana nematatu ekuberekwa.

Vasiya mudzimai nevana vana. Asi kunyangwe hazvo hurumende yakati ichabatsira mhuri pakuvigwa kwavo, zvizvarwa zveZimbabwe zvarambidza mumiriri weZimbabwe muSouth Africa Vadavid Hamadziripi kuti vataure sezvo zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuchema chema kuti hurumende haisi kuita zvakakwana kutaura nehurumende yeSouth Africa kuti zvisariswe.

Zvimwe zvizvarwa zveSouth Africa zvinoti hazvichadi kuti zvizvarwa zvemuZimbabwe nedzimwe nyika dzemuAfrica zvigare muSouth Africa zvichizvipomera mhosva yekutora mabasa uye kuba nekutengesa zvinodhaka.

Vachitaurawo neStudio 7, vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musngano reSouthern African Liason Office rinokurudzira kuyanyana VaMunjodzi Mutandiri vati vari kuyedza kuita nhaurirano nehuurmende yeZimbabwe neyeSouth Africa sezvo vakawanda vatema vasiri vemuSouth Africa vari kuti maberekera ingwe uye havachina kugadzikana.

Hurukuro naVaMunjodzi Mutandiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG