Accessibility links

Breaking News

ZDI Inoti Vatsigiri Vakawanda veCCC Havana Kuvhota mumaBy-Elections


Supporters of the Citizens Coalition for Change in Harare
Supporters of the Citizens Coalition for Change in Harare

Tsvakurudzo ichangobva mukuitwa nesangano reZimbabwe Democracy Institute (ZDI) pamusoro pesarudzo dzemaby-election dzakaitwa muna Kurume inoratidza kuti paikunda Zanu PF yaikunda zvine mutsindo zvichienzaniswa nepaikunda bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change (CCC).

Tsvakurudzo iyi yakaratidzwawo kuti CCC yakaita zvakanaka musarudzo kudarika MDC Allaince.

VaBekezela Gumbo avo vakatungamira tsvakurudzo iyi vanoti vakaonawo kuti bato reCCC rakakunda munzvimbo zhinji dzakakundwa neMDC Alliance muna 2018 asi yakakunda nemukana mudikidiki.

Asi vati zvakabuda mutsvakurudzo iyi zvino ratidza kuti kunyange hazvo CCC yakakunda musarudzo dzemaby-election, huwandu hwevanhu vakavhotevera, nhengo CCC idzo dzakakwikwidza sarudzo dza2018 pasi pebato reMDC Alliance hwakadzikira.

ZDI inoti huwandu hwevanhu vakavhotera Zanu PF mumaby-election munzvimbo dzayakakunda muna2018 hwakahwedzera nezvikamu zvitanhatu kubva muzana.

Muna 2018 MDC Alliance iyo inenhengo dzakakwikwidza sarudzo dza2022 pasi peCCC, yainge yakakundwa nezvikamu makumi mana nezvinonomwe kubva muzana munzvimbo idzi asi mumaby-elections egore rino CCC yakakundwa nezvikamu makumi mashanu nezvitatu kubva muzana.

Sangano iri rinoti kana izvi zvikaramaba zvichiitika musarudzo dzinotevera, Zanu PF inogona kuramba ichitora mavhoti akawanda kubva kuCCC nemamwe pamapato anopikisa munzvimbo dzayagara ichikunda zhinji dzacho dziri kumaruwa.

ZDI inoti huwandu hwevanhu vakavhotera CCC musarudzo dzemaby-election hwakadzikira nekuda kwezvikonzero zvakawanda zvinosanganisira kutyisidzirwa.

VaGumbo vatiwo panofanira kunge paine kudyidzana kwanaka pakati pemauto enyika nevanopikisa sezvo vanodzivirira nyika ava vachimboonekwa sevanotora divi.

Mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi, vati vano bvumirana nezvabuda mutsvakurudzo yeZDI vachiti mapato anopikisa akaita seCCC anofanira kushanda zvakanyanya kuti akunde musarudzo dzinotevera.

Nyanzvi munyaya dzesarudzo vachishanda nesangano reElection Resource Centre, VaSolomon Bhobhosibhunu, vaudza Studio 7 kuti tsvakurudzo yeZDI yaburitsa zvavagara kutaura kuti vanhu kumaruwa vanobuda kunovhota vakawanda nekuda kwekuti vanomanikidzwa kuvhota pamwe nekupihwa zvinhu zvakaita sehupfu, fortireza mbenu nenezvimwe izvo zvisingawanzo itwe mumadhorobha.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuCCC sezvo mutauriri webato iri Muzvare Fadzai Mahere vaudza Studio 7 kuti bazi rinoona nezvesarudzo mubato ravo riri kumbozeya nezvegwaro iri.

Asi mushandi mukuru muchikamu chekuburitswa kwemashoko mubato reZanu-PF VaTafadzwa Muugwadi vaudza Studio 7 kuti havawanzowirirana nezvinobuditswa neZDI vachiipomera mhosva yekurerekera kune vanopikisa. Asi ZDI inoti hayo haitori divi.

Mumaby-election, CCC yakakunda munaConsituency 19 uye uye Zanu ikakunda muma Constuency mapfumbamwe. Muna 2018 Zanu PF yainge yakakunda mumaConstiuency manomwe MDC Alliance ikakunda mumaConstiuency makumi maviri nemaviri ange achikwikwidzwa aya.

Izvi zvinoreva kuti Zanu PF yakatora maConstituency maviri kubva kubato rinopikisa.

Tsvakurudzo yeZDI yakaitwa pachibvunzurudza vanhu zviuru zvitatu kubva mumatunhu akawanda munyika anosanganisira matunhu akaitwa sarudzo dzemaby-election.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG